Bopoto ragara riripo pachipari

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mamwe madingindira makuru anobuda muna Manyambiri.

Dingindira rerudo — Panowanikwa rudo rwakadzama pakati paNduramo naPaidokwairiramwoyo. Tinozviona Nduramo paanorambidza baba vake, Mambo Njeremavhu kuti vatande mhuri yaRufuse mudunhu ravo achiti zvaizokonzeresa kuti naiyewo atetereke. Nduramo anorambidzazve baba vake kuti vauraye Paida sezvo zvaizoita kuti mudiwa wake Paido azviurayewo.

Kune rimwe divi, tinoona Paida achizama chaizvo nepose paaigona kuti aroorwe naNduramo asi zvichiramba.

Dingindira rebarika — Rufuse akanga aine barika rinove raigara rakakonzera bongozozo kana kuti mheremhere pamusha pake. Tinoona kuti Shayamano naNyadziso anove madzimai madiki aRufuse akanga achivenga vahosi, Ndakasemwa zvikuru zvinove zvaiita kuti vagare vachipopotedzana uye kurwa.

Mambo Njeremavhu anonzi akanga ainewo madzimai akawanda aisanganisira vaBhavheya avo vakanga vazvarira mambo nevanji aizotora humambo pakufa kwavo.

Kuchengetedza humambo – Rimwe dingindira guru rinobuda murungano urwu nderekuchengetedza humambo. Mambo Njeremavhu vanomhemhaira zvikuru nechinangwa chekuti humambo hwavo husaparara. Tinonzwa kuti vakanga vaita madzimai aivazvarira vanasikana chete kusvikira vazotora vaBhavheya vakavapa mwanakomana, Nduramo.

Zvimwe chete zvinobuda apo vanenge vachifarira kuti Nduramo awane mudzimai wake uye agomuzvarirawo mwanakomana. Izvi zvaiita kuti vazofa vachiziva kuti nyangwe zvidini, dzinza ravo rehumambo haraizoparara.

Aya haasiriwo oga madingindira anowanikwa muna Manyambiri. Mamwe acho munogona kuzvitsvagirawo.

Share This:

Sponsored Links