Brighton yava kuda Marshall Munetsi

24 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Brighton yava kuda Marshall Munetsi Marshall Munetsi

Kwayedza

CHIKWATA chekuEngland cheBrighton chinonzi chakabvunza nezvemutambi weReims ane mukurumbira, Marshall Munetsi.

Chizvarwa cheZimbabwe, Munetsi uyo akasvitsa makore 26 okuberekwa svondo rino, ange achitamba nhabvu inonwisa mvura muligi rekuFrance mwaka uchangopera.

Matambiro ake anonzi ari kumberi kwevatambi vakaita saAurelien Tchouameni uyo achangobva kutengwa neReal Madrid achibva kuMonaco mwedzi uno uye naBoubacar Kamara akabva kuMarseille achienda kuAston Villa.

Vaongorori veBrighton vanonzi vakataura zvakanaka pamusoro paMunetsi pamwe chete nemascouts saka ari kutarisirwa kuti azotsiva chinzvimbo chakasiiwa naYves Bissouma uyo abva kuBrighton achienda kuTottenham.

Munetsi, uyo akanwisa kana mumitambo 22 mwaka wadarika achibva mukukuvara, akasaina kondirakiti itsva mwedzi wadarika asi Reims inogona kumutengesa nemari inosvika £7 miriyoni.

Graham Potter ari kutarisira kutenga mutambi wechipiri weBrighton zvichitevera kubhadhara kwavakaita £10m yekutenga chizvarwa chekuParaguay, Julio Enciso (18), svondo radarika.

Enciso akanwisa ka11 mumitambo 14 kuchikwata chekuParaguay Libertad Asuncion mwaka uno uye akasaina kondirakiti yemakore mana. – SportsMail

Share This:

Sponsored Links