Budiriro yauya kuMbire

22 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Budiriro yauya kuMbire Clr Chidongo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KANZURU yeMbire Rural District Council kudunhu reMashonaland Central inonzi iri kusimukira muzvirongwa zvebudiriro zvinosanganisira kuvakwa kwemadhibhi nezvikoro kukuburikidza nekushandisa mari yehomwe yakabva kuHurumende yeDevolution Fund.

Sachigaro wekanzuru iyi, Councillor Robson Chidongo (49), vanoti vakapihwa $6,3 miriyoni gore rino nerapera iyo vari kushandisa mumabasa ebudiriro.

Clr Chidongo vanoti gore rakapera vakapihwa $2,9 miriyoni uye gore rino ndokupihwa $3,4 miriyoni iyo yasandura zvinhu zvakawanda mudunhu ravo.

“Kubva mumari iyi, takavaka madhibhi maviri anoti rekuSapa, kwaMambo Matsiwo, nekwaMajinga kuWard 4 munzvimbo imwe chete. Mombe dzaikuvara nezvikwekwe uyewo nezvimwe zvirwere nekudaro pari zvino varimi vave kubatsirika nemadhibhi aya,” vanodaro.

Mamwe mabasa ari kuitwa mudunhu iri anosanganisira kuvandudza dzimba dzepamakiriniki nemuzvikoro nekuvaka chikoro chitsva cheTanaka Primary kuWard 10 kwaChitsungo.

“Chikoro chitsva ichi chave kutopera icho chichatanga kushanda mukuvamba kwegore ra2021,” vanodaro Cllr Chidongo.

Kunze kwaizvozvo, vanoti vakadhonza mvura kubva kuzvibhorani zviviri zvakacherwa neZinwa ichienda mumusha wemurukisheni rweMushumbi Pools.

“Tine musha weMushumbi Pools uyo takadhonza mvura tikaisa mapombi. Mvura iyi mvura inopombwa nemagetsi kuenda kudzimba dzinokwana 400,” vanodaro.

Clr Chidongo vanoti kanzuru yavo iri mubishi rekuvakisa chibairo (abattoir) chemombe, mbudzi nenguruve paMushumbi Pools.

“Dunhu redu rine zvipfuyo zvakawanda zvinouya zvichitengwa nemari shoma nevemakambani anouraya mombe vanobva sekuHarare. Zvino takati tiuraye toga vanhu votengesa yava nyama izvo zvinovapa mari zhinji.” 

Imwe budiriro yaitwa kuburikidza nemari yeDevolution Fund vanoti kuiswa kwemagetsi mumigwagwa yepaMahuwe Growth Point neMushumbi Pools.

Pane dzimba dzekudzidzira nedzevadzidzisi dziri kuvakwa zvakare pachikoro cheKomba Primary, kwaMambo Chisunga nekuChikafa Secondary uko kuri kuvakwa dzimba dzevadzidzisi 14.

“Tiri kuvaka zvakare laboratory pachikoro cheMakuvatsine Secondary nemisika yekutengesera kuMahuwe nekuMushumbi,” vanodaro Clr Chidongo.

Vanotiwo vane chirongwa chavari kushanda vakabatana nemasangano anosanganisira UNDP mukuchengetedzwa kwemhuka kuti dzisakuvadze vanhu.

Clr Chidongo vanoti vakapihwa motokari nhatu dzekushandisa mubasa iri vachishanda neveZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) .

“Tiri kushanda zvakare nesangano rinonzi GEF neAfrican Wildlife Foundation kuKanyemba, kuMbire North uko takapihwa matirakita matatu atiri kusevenzesa kuvhara makoronga kwaMambo Chapoto,” vanodaro Clr Chidongo.

Pamusoro pezvo, vanoti vakasarudzawo vana vemudunhu ravo vakaenda kunodzidzira kuchengetedza mhuka kuchikoro cheMushandike College chiri kuMasvingo.

Clr Chidongo, avo vanove kanzura weWard 12 vari zvakare mutevedzeri wemukuru wesangano rinomirira makanzuru munyika, reAssociation of Rural District Councils in Zimbabwe, vanoti matunhu emadzishe avo ose anoti Chapoto, Chitsungo, Matsiwo naChisunga abudirira nekuda kwemari yeDevolution Fund.

Share This:

Sponsored Links