Budiriro yemadzimai yorumbidzwa, asi . . .

08 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Budiriro yemadzimai  yorumbidzwa, asi . . . Mai Precious Taru

Kwayedza

 Kingstone Mapupu

SANGANO reMusasa Project, rinoti riri kucherechedza zuva reInternational Women’s Day nekutarisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi uye mabasa makuru avanobata.

Mukuru wesangano reMusasa Project, Mai Precious Taru, vanoti zuva iri rakakosha zvikuru sezvo richivapa mukana wekucherechedza mabasa makuru anobatwa nevanhukadzi pasi rose.

“Zuva iri rakatikoshera zvikuru sesangano rinomirira kodzero dzemadzimai. Tinorumbidza zvakanyanya kusimudzirwa kuri kuitwa vanhukadzi mumabasa akasiyana munyika medu, mungava muHurumende kana mumakambani nemumasangano akazvimirira. Izvozvo tinozvitenda zvakanyanya,” vanodaro Mai Taru.

Vanoti muraramiro wemadzimai panguva ino wasiyana nekare sezvo kodzero dzavo dzava kucherechedzwa zvakanyanya.

“Tichikura, taingonzwa kuti madzimai vanogara kudzimba varume vachienda kumabasa zvinova zvasiyana nazvino. Vanhukadzi vava kuwanikwa mumabasa epamusoro mungava muHurumende nemumakambani, zviya zvekuti hatitungamirirwe nemadzimai zvakapera kare. Tinawo makurukota echidzimai, mamaneja mumakambani umu akazara echidzimai,” vanodaro.

Mai Taru vanoti sesangano rinomirira kodzero dzemadzimai, vari kushushikana nekushungurudzwa kuri kuitwa madzimai panguva ino nyika dzose dziri kurwisa Covid-19.

“Tine nyaya dziri kuitika mazuva ano panguva yatiri kurwisa Covid-19 – dzemadzimai vari kushungurudzwa nevarume vavo kana nedzimwe hama dzechirume. Tine nyaya zhinji dziri kuuya kumahofisi edu vamwe vevanhu vari kushungurudza madzimai ava vari kusungwa nemapurisa vachiendeswa kumatare edzimhosva asi vamwewo havasungwe nekuda kwekuti mhosva idzi hadzimhan’arwe.”

Mai Taru vanoti kune madzimai ari kurohwa nekunyimwa kudya.

“Ikurudziro yedu kuti varume nemadzimai vasarwisane kudzimba. Tinoziva tose kuti Covid-19 yakaunza kuoma kweupenyu kumhuri zhinji izvo tinofanirwa kutambira towana nzira dzekuzviriritira kuti mudzimba musaite nzara. Muongororo dzedu tinoona kuti vanhu vanorwisana nekuda kwenzara mudzimba,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwemadzimai ari kunopotera kumahofisi avo hwakakwira kubva mumwedzi waKurume 2020 kusvika izvozvi zvichitevera kugara kwevanhu kudzimba.

“Tikaenzanisa kushungurudzwa kwemadzimai mugore ra2019 na2020, tinoona kuti dambudziko iri ratokura nechikamu chemakumi manomwe kubva muzana – kungoti bedzi mamwe madzimai havamhan’are nyaya idzi kumapurisa nekuti vanotya kusungisa varume vavo nekutya kuti vanozosara vasina anovariritira,” vanodaro Mai Taru.

Sangano iri rinoti riri kupa chenjedzo kumadzimai neveruzhinji pamusoro pemhirizhonga yemudzimba nekukurudzira vanhu kuti vagarisane zvakanaka uye murunyararo.

“Tinokurudzira vanhu kugarisana zvakanaka. Tinonzwawo kuti vanasikana vari kushungurudzwa zvakanyanya panguva ino yeCovid-19 uye tinoti vanhu vakurumidze kumhan’ara nyaya dzerudzi urwu.”

Mai Taru vanoti vanoshuvira kuti mhuri dzigare mudzimba pasina kushungurudzana rinova donzvo nechishuwo chesangano ravo.

Share This:

Sponsored Links