‘. . . Bulawayo ngaingwarire’

20 Oct, 2020 - 12:10 0 Views
‘. . . Bulawayo ngaingwarire’

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu ari kuBULAWAYO

NZVIMBO yeElangeni Training Centre iri kuBulawayo yakavhurwa zvakare nemusi weMuvhuro uno zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muguta iri.

Kuvhurwa kwenzvimbo iyi kunotevera yambiro iri kupihwa nenyanzvi dzezveutano pasi rose kuti panogona kuve nekunyuka kechipiri kwechirwere ichi kana pakasatorwa matanho akakodzera ekuchidzivirira.

Elangeni Training Centre yakange yavharwa nechinangwa chekuti ivandudzwe asi vakuru vezveutano kuBulawayo vari kuona zvakakosha kuivhura zvakare zvichitevera kuwanda kwave kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi muguta iri.

Nyanzvi dzezveutano dziri kuyambirisa kuti nekuda kwekushaya hanya kwave kuitwa nevanhu vakawanda pakusatevedzera matanho ekumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kusapfeka mamasiki nekuita chitsoko-tsoko, pane njodzi huru yekunyuka kwechirwere ichi kechipiri.

Kusvika nemusi weSvondo, Bulawayo yange yava nevanhu 47 vafa nekuda kweCovid-19 pavanhu 231 vashaika nechirwere ichi muZimbabwe yose.

Nyika dzakaita seEngland neItaly dzakatotanga kuva nevarwere vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi apo chiri kunyuka kechipiri panguva iyo vanhu vanodarika 1 miriyoni vafa pasi rose nedenda risati rawanirwa mushonga wekurirapa iri.

Bulawayo ine nzvimbo ina dzevarwere vane Covid-19 uye nhatu dzinoti Thorngrove Infectious Diseases Hospital, Old Bartley Memorial Block (BMB) iri mukati meUnited Bulawayo Hospitals (UBH) neEkusileni Medical Centre dziri kuvandudzwa.

Imwe nzvimbo yechina iMater Dei Hospital iyo yakazvimirira.

BMB inonzi yave kupedza kuvandudzwa uye inenge yogashira varwere panotanga mwedzi waMbudzi apo Ekusileni ichavhurwa kupera kwemwedzi iwoyu.

Dr Welcome Mlilo, avo vanove Bulawayo Provincial Medical Director, vanoti magwaro ekuti Elangeni ichivhurwa akatofambiswa.

Vanoti vari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 kuBulawayo vachiti kana pakasatorwa matanho akakodzera, zvinhu zvinoenda “mudondo”.

“Huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kukwira uye tiri kushushikana kuti pave nekunyuka kechipiri kwechirwere ichi. Tinofanirwa kushanda nesimba tikwanise kupatsanura vari kubatwa nedenda iri kuti risarambe richipararira munharaunda, ndokusaka takaita zano rekuvhura zvakare Elangeni Training Centre,” vanodaro Dr Mlilo.

Professor Solwayo Ngwenya, avo vakafanobata chigaro chachamangwiza wechipatara cheMpilo Central Hospital, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaterere yambiro inopihwa nenyanzvi dzezveutano nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

Vanoti panofanirwa kuve nechimwe chirongwa chechipiri (lockdown) chinorambidza veruzhinji kufamba-famba sezvakaitwa neHurumende muna Kurume nedonzvo rekurwisa Covid-19.

“Chirongwa chekutanga che’lockdown’ chakabudirira nekuti takakwanisa kuderedza kupararira kwechirwere ichi, asi zvichitevera kunyevenutswa kwematanho ekumisa kupararira kwacho nemaitiro ave kuitwa nevanhu, panogona kuwanda zvakare nyaya dzevanobatwa neCovid-19,” vanodaro.

“Maonero angu senyanzvi yezveutano, ndeekuti kana tikasachenjerera zvikuru, tichaviga vanhu vakawanda vanenge vafa zororo reKirisimasi risati rasvika nekuti zviri pachena kuti chirwere ichi chiri kupararira munharaunda.”

Prof Ngwenya vanoti veruzhinji vanofanirwa kushandisa huchenjeri nekutevedzera zvavanoudzwa nenyanzvi dzezveutano kwete kufungidzira kuti vari kutyisidzirwa kana kuti kodzero dzavo dzinenge dzichityorwa.

Share This:

Sponsored Links