– BUMBIRO IDZVA REDZIDZO – Mviromviro dzekuwandudzwa kwedzidzo

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naChiremba
DZIDZO inofanira kutarisana nechokwadi chemararamiro emuZimbabwe itsva. Nhamo yakanga yakandira mazai mudzimba, vanhu votyira kuti ikazososodza yaisazosiya mupenyu. Mabasa akaoneka, vazhinji vakasaziva murungu.

Varungu vatema kana vachena vaivepo vaiwanzopinza hama dzavo chete. Vazhinjizhinji vaisashanda vaifanirwa kutoita mabasa emawoko vachizviriritira. Izvi vakanga vasina kuzvijaira.

Pfungwa iyi yaifanirwa kudyarwa muvadiki kuchikoro. Mudzimba zhinji maive modyiwa kaviri chete pazuva, nguva dzegumi neimwe uye manheru. Kana chakanyatsobvondoka kwaidyiwa kamwe pazuva!

Zvembatya zvaive nani, mukoma Bhero vaigadzirisa. Ko mari dzechikoro, chigayo, mabhazi . . .? Zvakangodaro, zvaive pachena semhopo yepamhino kuti mabasa ndiwo anodiwa kuti nhamo isuduruke. Dzidzo yaifanirwa kuumba mudzidzi anokwanisa kushandira vamwe, kuzvishandira kana kushandirwawo nevamwe. Mabasa emawoko aya aifanirwa kusanganisira mabasa ekurima.

Kuburikidza nedzidzo itsva iyi, vadzidzi vaifanirwa kudzidza zvemakombiyuta muupenyu hwavo. Dzidzo itsva iyi yaifanirwazve kuburitsa zvipo zvakasiyana-siyana zviri muvadzidzi.

Zvipo zvinosanganisira kuimba, kutamba mitambo yakatsaukana, kudhirova, kuveza, kuumba . . . vachiita mari muupenyu.

Chimwewo chinangwa chehwaro hutsva hwedzidzo kuburitsa mudzidzi anoziva nekunzwisisa zvinhu zvanetsa pasi rino nhasi uye ane muono wekuti zvingagadziriswe sei. Izvi zvinosanganisira urombo hwatekeshera munyika zhinji, zvirwere zvakaita seHIV/AIDS, gomarara (cancer), kusadzidza kwevanhu vazhinji (asi tichinyanya kutarisa kusadzidza kwevanasikana nemadzimai), kuroorwa kwevana vadiki, kuwedzera kwekudziya kwemamiriro ekunze uye shandukuminya yemamiriro ekunze nenhamo dzawo.

Pedzisire, hwaro hutsva hwedzidzo uhu hunovavarira kuburitsa mudzidzi ane unhu hunodadisa, ane tsika dzinonwisa mvura uye anodada nenyika nenhaka yake. Mudzidzi anobudazve mudziva redzidzo iyi anofanirwa kunge achidada kuti munhu mutema uyezve nerurimi rwaamai vake.

. Muchikamu chinotevera tichatarisa chaipoipo pakatangira urongwa hwedzidzo itsva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey