– bumbiro idzva redzidzo – Nheyo dzehwaro hwedzidzo itsva

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naChiremba
HWARO hwedzidzo itsva hune nheyo dzingasvike gumi idzo ndichaedza kutsanangura imwe neimwe asi dzimwe dzinokwanisa kubatanidzwa. Dzidzo itsva iri kudzumbunurwa iyi inofanirwa kunge ichiumba mudzidzi akakwana kwese kana tichitarisa ruzivo rwenjere, kugarisana nevamwe kwakanaka – kusina kushungurudzika kana kushungurudza vamwe, kunyatsoshandisa maoko nemuviri zvakatsetseka uye zvakakwenenzverwa.

Dzidzo itsva kana kuti yakavandudzwa iyi inofanirwa kunge ine hochekoche kubvira kuti chidzidzo chimwe chinofanirwa kunge chakabatana nechecho, zvose zvichifamba zvakadaro semaringi echeni dzejoki.

Dzidzo inofanirwawo kunge yakarongwa nemutowo wekuti hwaro hwechidzidzo chanhasi hunofanirwa kunge huri pane chidzidzo chakatodzidziswa kare. Semuenzaniso, mudzidzi wegiredhi reshanu anofanirwa kunge akaita zvidzidzo zvegiredhi rechina.

Dzidzo itsva iyi inofanirwa kunge isingasarure vadzidzi chero neupi mutowo: rungave rudzi rwemudzidzi, kugona kwake muchikoro, kuve musikana kana mukomana, kurarama nehurema kana kuhushaya, uye chinamato chake kana kwaanobva.

Mikana yekudzidza inofanirwa kunge yakaenzana kuvadzidzi vose – varefu kana vapfupi, vakobvu kana vatete, chero vachinge vachiri kuda zvekudzidza. Hakuna anoda kudzidza anonzi ashaiswa mukana.

Munhu anwa dzidzo itsva iyi anoonekwa aine unhu hunozara mukombe. Anofanirwa kuve anokudza nekuremekedza vakuru, kukoshesa mumwe munhu uye kusiyana netsika dzinorutsisa dzakaita sekuba, kutuka nekushora vamwe uye dzimwewo tsika dzakatukwa nembwa.

Dzidzo itsva iyi inofanira kuva dzidzo yemunhu wose – mukuru kana mudiki. Inofanirwa kuwanikwa nemunhu wose anoida hazvinei kuti ari kupi kana kuti ndeve zera ripi.

Mukupedzisira, dzidzo itsva iyi inofanirwa kupota ichiongororwa mafambiro ayo, zvakanaka pairi zvichicherechedzwa nekusimbaradzwa uye zvakaipa pairi zvichinyukurwa.

Kana zvanyukurwa kudaro, zvogadziriswa kuitira kuti dzidzo iyi izadzise zvido nezvishuwo zvemhuri yeZimbabwe kuitira kuunza pundutso muupenyu hwedu.

Muchikamu chinotevera ndichatarisa vavariro yedzidzo itsva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey