– bumbiro idzva redzidzo –Zvakanaka nezvakaipa

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naChiremba

IDZI ndidzo pfungwa dzinokosheswa nejekerere revanhu mukurarama. Pfungwa idzi dzine chekuita nekusarudza chakanaka nechakaipa, chinofanirwa kuitwa nechisangafanirwa, chinorumbidzwa nechinofanira kushorwa.

Apa nyaya yeunhu hwedu ndipo pairi yose.

Vachiri vadiki vadzidzi vanogara vadzidziswa zvinhu zvakakosha muupenyu hwavo.

Pese pagere vanhu hapashayiwi kupesana papfungwa kana maitiro, nokudaro mukati mepfungwa dzinokosheswa idzi munobuda pfungwa yekukwanisa kwevana kudzidza kugadzirisa makakava avanozosangana navo muupenyu pasina bongozozo kana mhirizhonga.

Dzidzo iyi inofanirazve kukwanisa kubatsira vana kuti vagone kuongorora nekunyatsopima chimiro chezvinhu uye kukwanisa kusarudza zvakafanira kuitwa kuti zvinhu zvimire zvakanaka. Muupenyu zviitiko zvinoda kukurumidza kufunga uye kusarura chekuita zvakawanda.

Chimwezve chakakosha kuti mudzidzi abude muchikoro aine chiremerera arege kunzi huhu, tibvirei kumhepo, munoti makafunda, chii chamakadzidza? Kudzidza iwo matakanana amuri kutiratidza aya?

Mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro ave nekuzvipira, uye chidokwadokwa nekushinga kuita chinhu chaanenge aona kuti chakafanira kuti chiitwe kuti upenyu hufambe zvakanaka. Kana zvichireva kuti anofanira kuita chinhu chakanaka chinozezwa kana kutyiwa nevamwe anotochiita.

Chekupedzisira, vana vanobuda muzvikoro zvedu vanofanirwa kunge vari vanhu vakakwenenzverwa, vane rudo, vanoremekedza vamwe, vanozvibata uye vanoshanda nesimba.

Chindiniani:

Mudzidzi wose anofanirwa kudada nekuve mwana wevhu zvisinei kuti anobva kupi, murombo here kana kuti anobva mumhuri yakadziya. Izvi zvinokwanisika chete kana vana vakakwanisa kuyemura zvinoitwa nevamwe vadzidzi uye kubatana pakushandira nyika yavo.

Chimwe chinhu chichabatsira kuti vana vadade nekukoshesa kuve vana veZimbabwe, kudzidza tsika dzeZimbabwe uye nhoroondo pamwe chete nenhaka yeZimbabwe.

Izvi zvinokwanisika bedzi kana vadzidzi vane unhu hwakadzika midzi mutsika nemagariro edu muZImbabwe. Vanofanirwa kuyemura mitemo yekushanda uye kukosha kwekushanda. Mudzidzi anofanirwawo kukoshesa upenyu hwake nehwevamwe uye kukoshesawo nharaunda yake nekuichengeta. Kuremekedza midziyo yevamwe chimwe chinhu chakakosha. Anokoshesa izvi haangotoratora zvinhu zvevamwe sezvatava kuona nhasi.

Muchikamu chinotevera tichatarisa marongerwo akaitwa dzidzo itsva.

Share This:

Sponsored Links