Bumbiro rava mumitauro 16

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Daniel Nemukuyu
BUMBIRO remutemo reZimbabwe rave kuwanikwa mumitauro 16 yemuno nedonzvo rekuti munhu wose ange achinzwisisa nyaya dzemitemo pasina zvibingaidzo.

Gwaro remutemo iri ravewo mumitauro inosanganisira wemasaini uye madhisiki achange achipihwa kuvanhu vanofanira kunge vachibatsirikana.

Bazi rinoona nezvemitemo nenyaya dzeParamende, kuburikidza nerutsigiro rwevarinoshanda navo, rakakwanisa kuisa bumbiro remutemo iri mumitauro inoti Shona, Ndebele, Sotho, Venda, Tonga, Nambya, Chibarwe, English, Koisan, Ndau, Shangani, Sign Laungage, Tswana, Chewa, Xhosa neKalanga.

Kuiswa kwebumbiro iri mumitauro 16 iyi kunofambirana nechitsidzo cheHurumende zvichienderana nezvinodiwa nebumbiro remutemo reZimbabwe.

Bazi rinoona nezvemitemo nenyaya dzeParamende rakaparura chirongwa ichi zviri pamutemo muHarare nguva pfupi yadarika.

Mumashoko avo, gurukota rebazi iri, Cde Ziyambi Ziyambi, vanoti kuburitswa kwebumbiro remutemo wenyika riri mumitauro yakasiyana kwakakosha zvikuru.

“Kuparurwa kwebumbiro remutemo riri mumitauro yakasiyana kwakakosha zvikuru kuti ringe richitevedzwa nevanhu vemarudzi akasiyana pasina rusarura,” vanodaro. Vanoti Hurumende inofanira kuunganidza mari yekuti kunge kuchidhindwa mamwe magwaro akakwana ekuti aendeswe kumatunhu akasiyana enyika.

“Tinotambira rubatsiro rwose rwunobva kune vanoda kutitsigira,” vanodaro Cde Ziyambi.

Mumwedzi waKurume gore rino, bazi iri rakazivisa kuti richange richipedzisa basa rekuisa bumbiro remutemo mumitauro mina inoti Shona, Ndebele, Tonga neKalanga.

Munguva pfupi yadarika zvakare, bazi iri rakapemberera kukwanisa kupedza kuisa bumbiro remutemo wenyika mumitauro inosanganisira Chewa, Chibarwe, Nambya, Ndau, Tswana, Venda, Xhosa, Shangani, Sotho, Sign Language neKoisan.

 

Share This:

Sponsored Links