Uncategorized

‘Buritsa mari ndipe musikana webasa’

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
‘Buritsa mari ndipe musikana webasa’

Kwayedza

MUMWE mukadzi akazvuvira aimbove murume wake kudare achiti anoda kuti mari yemendenenzi iwedzerwe sezvo aida kuzobhadhara musikana webasa anosara nemwana iye achienda kuchikoro.
Thelma Murinda akamhan’arira David Jongwe kuHarare Civil Court achiti mari yemendenenzi yaari kubvisa haichamukwanira.

“Ndinoda kuti mari ipamhidzirwe kubva pa$100 kusvika pa$200. Ini zvinhu hazvisisina kundimirira zvakanaka saka kukwidzwa kwemari kunogonawo kundirerutsira pakuchengeta mwana,” akadaro Murinda.
Murinda akati ava kumboita zvechikoro naizvozvo mwana anosara nemusikana webasa.

“Ishe wangu, pari zvino ndakatanga kudzidza kuyunivhesiti uko kunoda kuti ndinge ndiriko mazuva ese. Nekudaro panoda munhu anosara achichengeta mwana saka pamari yandiri kuda kuti iwedzerwe iyi ndinodawo kutsvaga musikana webasa anopota achisara nemwana,” akadaro.

Jongwe akapikisana nemashoko aMurinda achiti mari yaari kumupa inokwana.
“Mukadzi uyu handina kuona chaangadire kuti mari ikwidzwe. Mari yandiri kumupa inoenderana nezera remwana nekuti mwana ane gore nemwedzi mitatu chete.

Zvese zvinodikanwa nemwana pamari iyoyo zviri kukwana, hapana kana chiri kushota kubva kune zvipfeko kusvika kune zvekudya.

“Mari yandinotambira haina kana kumbochinja iye angouya nekuti zvachinja kudivi kwake chete.
“Kudivi kwangu ndiko kwazvakatochinja, zvinoda mari yakawanda sezvo pandakatanga kumupa mendenenzi ndaiva nemukadzi nevana vanoda kuriritirwa.

“Mwana ndakamuisa pamedical aid sevamwe vana vangu vese saka anorapiwa mahara. Kumba kwavo haagari oga, ane vabereki pamwe chete nanasisi vekuti anogona kuvasiira mwana pane kuda kutsvaga musikana webasa nemari yangu,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare mushure mekunge Murinda atsvaga umboo hwekuti Jongwe anotambira marii.

Share This:

Sponsored Links