‘Businessman’ avharwa nevakadzi

13 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
‘Businessman’ avharwa nevakadzi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUZVINHABHIZIMISI wekuMorningside kwaMutare asara achizvidemba zvichetevera kubirwa kwaakaitwa US$1 200 nevakadzi vaviri vaakange akoka kuti vaende naye kumba kwake.

Beatrice Munetsi naTatenda Kauza vari kubvuma mhosva yekuba pavamiswa mudare reMutare Magistrate Court pamberi pemutongi Muzvare Thandiwe Sibanda.

Muchuchisi VaThurston Mubvumbi vaudza dare kuti Richard Pamire (36) akabirwa mari yake iyi mushure mekunge akoka vakadzi vaviri ava kumba kwake.

“Vasungwa ava vakapara mhosva iyi mushure mekunge vashanyira mumhan’ari kumba kwake kuMorningside. Pamire akazozviziva kuti ainge abirwa mari iyi apo vaviri ava vakange vatobva pamba pake.

“Akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti vasungwe,” vanodaro VaMubvumbi.

Munetsi naKauza vachapihwa mutongo wavo nemusi weChitatu chino apo vanenge vari muchizarira.

Share This:

Sponsored Links