Uncategorized

‘Bvumai plastic money’

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘Bvumai  plastic money’ VaShumba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti zvikoro zvinofanirwa kuvhura mamwe maakaundi akaita seEcoCash kuti vabereki vakwanise kubhadhara mari dzevana dzechikoro zviri nyore kunze kwekushandisa musvo kana maRTG chete.

Ongororo yakaitwa nevatori venhau kwaMutare svondo rapera inoratidza kuti zvikoro zvakawanda zvaida kuti vabereki vabhadhare mari dzevana vachishandisa musvo kana maRTG uye zvairamba kutambira avo vaida kubhadhara nedzimwe nzira.

Mukuru wedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba, vanoti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinotendera vabereki kuti vabhadharire vana vavo vachishandisa nzira dzose dzeplatsic money.

“Taudza zvikoro zvose kuti zvivhure maakaundi eEcoCash,” vanodaro.

“Zvikoro zvinofanira kuziva kuti muZimbabwe mune nzira dzakawanda dzekubhadhara zvinhu, EcoCash imwe yenzira idzi uyezve haizi mari yose inongowanikwa iri musvo.”

VaShumba vanokurudzira vabereki kuti vataurirane nevakuru vezvikoro uye vabhadhare mari dzevana vavo.

“Kana vabereki vakatadza kuita hurukuro nevezvikoro zvinodzidza vana vavo, imhosva yavo,” vanodaro.

“Vabereki ngavazive kuti kune kwavanofanirwa kusvitsa zvichemo zvavo.”

Zvichakadai, muhurukuro nevatori venhau, mukuru weSakubva High 1, VaAbisha Mupita vanoti chikoro chavo hachina mukana wekuti vabereki vanokwanisa kubhadhara mari dzechikoro dzevana vavo vachishandisa nzira dzakaita seEcoCash.

“Hatitambire EcoCash uye chikoro chedu hachina EcoCash agent,” vanodaro.

Zvimwe zvikoro zvinosanganisira Chancellor Junior School zviri mushishi yekuvhura maakaundi erudzi urwu.

Mukuru wechikoro ichi, VaMasimba Chihowa, vanoti: “Chikoro chedu chiri pakati pekunyorera kuti chiwaniswe mukana wekuve neEcoCash agent kuitira kurerutsira vabereki.”

Chikoro chimwe chete maMutare, Zambe Primary School, ndicho chiri kutambira EcoCash kubvira pakutanga kwegore rino.

Mukuru weZambe Primary, VaLovemore Hondo vanoti: “Tinotambira EcoCash nekuti vabereki vakachema-chema zvikuru uye tichitarisa nharaunda yedu, vabereki vakawanda vanogara kumarukisheni eruzhinji avo vanorarama nekutengesa zvinhu uye vanoshandisa EcoCash kana paine zvavanoda kutenga.”

Zvisinei, VaHondo vanoti nzira yekushandisa EcoCash pakubhadhara inomboti netsei apo masai-sai anenge asingashande zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links