Bvunzo dzemutauro (Shona Language)

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Bvunzo dzemutauro (Shona Language)

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Kune avo vese vari kuita zvidzidzo zvavo zveChiShona neboka rinotungamira mune zvebvunzo reZimbabwe School Examinations Council padanho rino pave kunyorwa mapepa maviri akasiyana.
Kune Shona yemutauro (language) kouya Shona uvaranomwe (literature). Mapepa aya ave kubvunzwa akazvimirira oga.

Zvidzidzo zvemutauro zvave kuitwa zvakamira zvoga uye zvinofanira kuitwa nemudzidzi wese.
Kumutauro ndiko kwave nezvidzidzo zvemanyorerwo erondedzero. Mibvunzo yerondedzero inenge yakasiyana-siyana uye iwe munyori unofanira kusarudza mumwe chete kubva pane inenge yakapiwa inonyorwa muChiShona chamandorokwati iri rondedzero, hurukuro kana tsamba ina mapeji anokwana matatu uye mubvunzo mumwe nemumwe uri muchikamu ichi unotakura zvibodzwa zvakafanana.

Kwave nemumwe mubvunzo unonangana neruzivo rwemagirafu kana mapikicha parondedzero apo unofanira kuratidza unyanzvi hwakanyanya pakunzvera magirafu.

Muchikamu cherondedzero munotarisirwa kuziva mazwi anobatanidzwa neanopatsanurwa, zviperengo zvakanaka, kugona kuronga nyaya, kushandisa mutauro weShona wakazara pasina ChiRungu, kushandisa zvirungamutauro zvingave tsumo, madimikira, nyaudzosingwi kuitira kuti chinotaurwa chinyatsobuda pachena.

Zvakanaka kusarudza musoro werondedzero waunoona kuti unogona kuunyora zvakanaka kwete kuzofunga zvekushandura musoro werondedzero wave pakati pebvunzo.

Kubvunzo dzemutauro kune zvakare zvirungamutauro. Pamibvunzo inopiwa muchikamu chino zvakare unotenderwa kusarura yakakupfavira pane inenge yakapiwa.

Chimwe chikamu chinowanikwa kupepa iri chinenge chine nzwisiso nepfupiso. Mibvunzo yenzwisiso inopindurwazve neChiShona chakanaka, uye chikamu ichi chinopindurwa nemunyori wese webvunzo dzeShona padanho rino.

Pane chimwe chikamu chinokoshazve kubvunzo dzemutauro chemusambo yemutauro. Unofanira kuziva misambo yakasiyana-siyana inoshandiswa mukutaura kwevanhu munzimbo dzakasiyana.

Mubvunzo iyi mune chikamu chemutauro, unofanira kuziva maumbirwo emutauro wedu weChiShona.
Bvunzo idzi dzinenge dzichinyorwa mumapepa maviri anoti rekutanga nerechipiri.

Share This:

Sponsored Links