Bvunzo: ‘Gadziriro dziri mugwara’

22 Aug, 2020 - 07:08 0 Views
Bvunzo: ‘Gadziriro  dziri mugwara’ Mai Tumisang Thabela

Kwayedza

Munyori weKwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri mushishi yekutora matanho ekuona kuti nguva yose yakaraswa vadzidzi vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19 yadzoreredzwa kuitira vaya vari kuzonyora bvunzo munaMbudzi.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chezvidzidzo zveparedhiyo kuChimanimani nemusi weChina wadarika, munyori mukuru mubazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti bazi ravo richabatanidza zvidzidzo zveparedhiyo neizvo vana vanoita mumwe nemumwe wavo nemudzidzisi nechinangwa chekuti vagadzirire kunyora bvunzo idzi.

“Cabinet yakatipa basa rekuona kuti bvunzo dzemunaMbudzi dzinoenderera mberi. Hatizivi kuti rinhi chaiye, saka tinofanirwa kugara pasi toronga.

“Vana vose vari kunyora bvunzo vanofanirwa kuenderera mberi nefundo. Tinofanirwa kubatanidza zvidzidzo zvinoitwa nemwana mumwe nemumwe nemurairidzi nezveparedhiyo kuitira kudzoreredza nguva yange isiri kudzidzwa. Tarasikirwa nemwedzi mishanu yekudzidza, asi vana havangarasikirwe neremangwana ravo.

“Tiri panguva yakaoma zvikuru uye tinosangana nezvimhingamipinyi zvakawanda pakuda kuvhura zvikoro izvi. Zvisinei, vabereki nebazi redzidzo vanofanirwa kutora matanho akanakira vana,” vanodaro Mai Thabela.

Zvikoro zvakavharwa munaKurume wegore rino apo Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 (lockdown).

Vadzidzi vari kunyora bvunzo vaifanirwa kuvhura zvikoro nemusi wa28 Chikunguru asi izvi hazvina kuzobudirira zvichitevera kuwanda kwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Mai Thabela vanoti zvikoro zvisati zvavhurwa, zvakakosha kuona kuti pane mvura yekushandisa yakakwana nemidziyo yekudzivirira kutapurirana Covid-19.

“Tinofanirwa kuona kuti zvikoro zvose zvine mvura yakakwana kuitira nyaya dzeutsanana. Izvi zvinoreva kuti tinofanirwa kushanda pamwe chete. Covid-19 yatipa nzira itsva yekuita nayo zvinhu uye tichange tichitevera zvinodiwa neWorld Health Organisation (WHO) mukudzivirira kutapuriranwa kwechirwere ichi.

“Apo Hurumende iri kuita kuti zvekushandisa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi zvinge zviripo, nharaunda dzinofanirawo kuona kuti zvimwe zvinodiwa zvavepo. Zvikoro zvinofanirwa kukosheswa inyaya dzemabhindauko kuitira kubatsirana neHurumende,” vanodaro.

Mai Thabela vanoti zvidzidzo zvemitauro yerurimi rwaamai zvinofanirwa kukosheswa.

Vanotenda nhepfenyuro dzemunharaunda, dzakaita seDiamond FM – iyo iri pasi peZimpapers kwaMutare – nekusimudzira mitauro iyi.

Mai Thabela vanotizve pasi pemutemo, vana veECD A, ECD B, Giredhi 1 ne2 vanofanirwa kudzidziswa nerurimi rwaamai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey