Cancer: Vhenekwa nguva ichiripo

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Cancer: Vhenekwa nguva ichiripo

Kwayedza

CHIRWERE chegomarara (cancer) chiri kushungurudza vanhu vakawanda munyika muno, vangave vanhurume kana vanhukadzi.

Izvi zvasiyana nakare apo gomarara rainyanyozivikanwa sechirwere chinobata vanhukadzi chete.

Mhando dzegomarara dzinobata vanhukadzi dzinosanganisira remuchibereko nerezamu. Nerimwewo divi, vanhurume vanowanzobatwa negomarara redundiro. Kune dzimwewo mhando dzegomarara serinobata ganda remunhu nedzimwe nhengo dzakasiyana.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, zvakakosha kuti munhu wose ange achiongororwa gomarara nguva ichiripo kuitira kuti arapwe chirwere ichi chisati chadingindira mumuviri.

Zviri nyore kurapa gomarara richatanga kana zvichienzaniswa neapo rinenge ragodza mumuviri. Asi kazhinji, vanhu vakawanda havachimbidze kuenda kunovhenekwa kuzvipatara nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Ongororo yakaitwa nesangano reCancer Association of Zimbabwe inoratidza kuti munyika muno chikamu che81% chechirwere chegomarara chiri kuzoonekwa papera nguva refu zvinova zvinoderedza mikana yekuti murwere arapwe achipora. Kana gomarara rikanonokerwa, rinokonzera matambudziko makukutu sekuti munhukadzi anogona kubviswa zamu kana chibereko. Nerimwewo divi, munhurume ane gomarara redundiro kana akanonoka kunoongororwa anogona kupedzisira obviswa dundiro, zvichireva kuti anenge ave kurasa mvura achishandisa machubhu, unove mutoro chaiwo.

Zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe ruzivo rwakadzama pamusoro pegomarara, kusanganisira zviratidzo zvacho, kuitira kuti vanhu vakasike kunovhenekwa kana vakaita fungidziro yekuti vane chirwere ichi.

Tinodaro nekuti kana gomarara rikaonekwa nekuchimbidza, rinokwanisa kurapwa zviri nyore. Zvisinei, vanhu vakawanda vanomirira kusvika rave padanho rakaipa izvo zvinozokonzera rufu nekuda kwechirwere ichi.

Kuvanhurume, nyaya dzechivanhu kana kuti tsika nemagariro dzinoderedza mikana yekuti vange vachibuda pachena kana pane zvinenge zvichivanetsa. Izvi zvinodaro nekuti vanhurume vanozvishingisa kunyangwe vachinetswa nemarwadzo nekuti zvinonzi murume chaiye haafanire kuratidza kuti anorwadziwa.

Semaonero edu, zvakakosha kuti vanhurume vasiyane nepfungwa dzakadai uye vochimbidza kunovhekweka nanachiremba vakadzidzira basa kana vaona zvavasinganzwisise zvave kuitika pamuviri pavo.

Vanhurume vose vane makore 40 okuberekwa zvichienda mberi, vanokurudzirwa kunovhenekwa gomarara pagore.

Nedonzvo rekurwisa chirwere chegomarara kuvanhukadzi, kune dzimwe nzvimbo dzavari kuongororwa pachena.

Nzvimbo dzakadai dzinosanganisira pachipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo. Chipatara ichi nguva pfupi yadarika chakatengerwa muchina unodaidzwa kuti MAMMOGRAM unokosha $500 000 nekanzuru yeNational Aids Council nechinangwa chekurerutsira varwere vegomarara rezamu kuburikidza nekuvavheneka pachena.

Zimbabwe yose ine michina mitatu yerudzi urwu – uri kuParirenyatwa Group of Hospitals muHarare, uri kwaMutare nemutsva wakakumikidzwa kuMpilo. Zvakakosha kuti veruzhinji vatore mikana yekuvepo kwemichina yakadai vachiongororwa gomarara nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links