CAPS yaripiswa US$4 500, ndokunyimwa 3 points

08 May, 2024 - 13:05 0 Views
CAPS yaripiswa US$4 500, ndokunyimwa 3 points Lloyd Chitembwe

Kwayedza

Premier Soccer League yaranga chikwata cheCAPS United icho chanzi chibhadhare faindi yeUS$4 500 pamwe nekutorerwa mapoinzi izvo zvapihwa kuchikwata cheFC Platinum.

CAPS United yakabatwa nemhosva yemhirizhonga zvichitevera kupinda kwakaita vatsigiri vayo munhandare vachiita mhirizhonga kuMandava Stadium apo vaitamba neFC Platinum mwedzi wadarika.

Zvichakadai, murairidzi weKepekepe – Lloyd Chitembwe – abatwawo nemhosva yekutaura mashoko anogona kusvibisa mutambo wenhabvu izvo zvaona achinzi abhadhare faindi yeUS$400.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey