CBZ yobatsira neamburenzi

16 Jun, 2020 - 12:06 0 Views
CBZ yobatsira neamburenzi Dr Obadiah Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, svondo rapera vakagashidza rubatsiro rweamburenzi kuHarare Metropolitan Province iyo yakabva kubhanga reCBZ Holdings nechinangwa chekuti ibatsire mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe.

Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Moyo vanoti amburenzi iyi ichabatsira zvakanyanya munguva ino apo nyika iri kutambudzwa neCovid-19.

Iyi imwe yemaamburenzi ari kupihwa kumatunhu akasiyana nebhanga iri.

“Kuuya kwemaamburenzi aya kuchabatsira mukuchengetedzwa kweupenyu uye utano hwevanhu. Amburenzi iyi ichasvika kunzvimbo dzose dzakakomberedza Harare uye tinovimba kuti zvimwe zvipatara seChitungwiza Central Hospital zvichabatsirikana sezvo maamburenzi ari mashoma zvikuru,” vanodaro.

Vachitaurawo, Dr Tonderai Kasu avo vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeChitungwiza uye vainge vakamirira Harare Metropolitan Province, vanoti: “Kuuya kweamburenzi iyi kuchaita kuti tikwanise kurwisa chirwere cheCovid-19 uye kuyamura varwere nenguva.”

Muna2015 CBZ Holdings yakapa rubatsiro rwemawiricheya gumi nemibhedha yevarwere kuzvipatara zviri kumativi mana enyika.

Muna2017 bhanga iri rakabatsira Ngundu Clinic neamburenzi inofamba mumugwagwa weHarare neBeitbridge asi ichigara paNgundu Clinic.

Kune mamwezve maamburenzi arakapa kuHurumende kuti aendeswe muzvipatara.

Share This:

Sponsored Links