CCTV yarasisa mukadzi mbavha

29 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
CCTV yarasisa mukadzi mbavha Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuZengeza wekubatwa nemweya wechioko chegudo, izvo zvakamutuma kuba zvinhu zvinosanganisira mafuta ekuzora zvinokosha $188 549 muchitoro cheOK Supermarket chiri paTown Centre, kuChitungwiza, ava kuzvidemba sezvo akaonekwa achiita mabasa ake paCCTV zvikaita kuti asungwe.

Mercy Mutizwa (27) akashaya pekupinda nenyadzi paakabatwa nemushandi anoongorora mashandiro eCCTV muchitoro ichi, Peter Musorowembudzi (39), apo akanga ava kutobuda nezvinhu izvi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaPrince Hurungudo, vamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu, ndokuzomubvisira mwedzi miviri pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mwedzi mitatu yange yasara yazosendekwa padivi zvekare nechivimbiso chekuti Mutizwa anofanira kunofondoka kwemaawa 105 pachipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo vaudza dare kuti nemusi wa11 Kubvumbi gore rino, Mutizwa akapinda muchitoro cheOK Supermarket achibva atora bhaketi ndokutanga kuisa mafuta ekuzora anogadzirisa ganda ari emhando yepamusoro uye mushonga unorapa mudumbu kana munhu afufutirwa nekusvotwa.

Akazovhara bhaketi riya ndokuisa pakiti remapamba pamusoro.

“Zvose zvaakanga achiita ndaizviona pakamera yeCCTV. Akatanga kufamba nechitoro achitsvaga nzvimbo isingaonekwi nekamera ndokubva atanga kubvisa zvinhu zvaive mubhaketi muya achiviga mubhachi raainge akapfeka. Akabva afamba achida kubuda muchitoro, nyambisirwa ini ndakanga ndatoenda kumusuwo kunomugarira ndichibva ndamubata ndokumusecha tikawana zvose zvaakange aba,” anodaro Musoromwembudzi.

Anoti zvinhu zvakabiwa nemudzimai uyu zvinosanganisira Gaviscon Original imwe chete inokosha $29 678, Gaviscon x 2 inokosha $60 276 uye Garer Skin Active x 5 inokosha $98 595.

Mutizwa abvuma mhosva yake pasina kundandama.

Share This:

Sponsored Links