CDC yopembedza Zim

10 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
CDC yopembedza Zim Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

ZIMBABWE yakaiswa pachikero chenyika dzisina njodzi yakakura dzinokwanisa kushanyirwa zvichitevera ongororo yakaitwa neboka reCentres for Disease Control and Prevention (CDC) izvo zvinove chiratidzo chebasa guru riri kuitwa nenyika ino mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chikero chiri pamusoro peCovid-19 ichi chaive muzvikamu zvishanu zvinoti pasi-pasi, pakati nepakati, pakakwira, pakakwira zvakanyanya uye nepasingazivikanwe.

Nyika 56 dzepasi rose dzakaiswa pachikero chepasi-pasi chenyika dzinoonekwa sedzisina njodzi yakanyanya panyaya dzekushanyirwa maringe nechirwere cheCovid-19.

Dzinosanganisira Zimbabwe, China, Ghana, Nigeria, Rwanda neIceland.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana,

Dr John Mangwiro, vanoti kuiswa kweZimbabwe pachikero ichi chiratidzo chebasa guru riri kuitwa nenyika mukurwisa chirwere cheCovid-19 uye ndokukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho aripo ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Matanho atiri kutora ari kubva mukupangwa mazano naPresident Mnangagwa. Kana vamwe vanhu vave kucherechedza uye nekugutsikana nezvatiri kuita chiratidzo chekuti zvatiri kuita tichitungamirirwa naPresident zviri kushanda,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoenderera mberi vachiti,”Zvatiri kuita pari zvino kuramba tichikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa neHurumende pamwe neWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Musaungane zvisina tsarukano, pfekai mamasiki, shandisai sanitizer uye baiwai majekiseni ekudzivirira chirwere ichi kana mukana uchinge wavepo pasi pechirongwa chenyika chekubaiwa kwevanhu majekiseni. Majekiseni aya, pari zvino, ndiyo tariro yedu huru yekukunda chirwere ichi.”

Zimbabwe iri kushanda nesimba panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 izvo zviri kuona pachive nebudiriro mukudzivirira kupararira kwedenda iri.

Hurumende iri kurumbidzwa zvikuru neWorld Health Organisation pamwe nenyika yeChina nebasa rairi kuita mukurwisa Covid-19.

Nguva pfupi yadarika, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga, vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vakarumbidza matanho ari kutorwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakavamba zvakare chirongwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri munzvimbo nenzvimbo (localised lockdowns) kuKwekwe nechinangwa chekuti denda iri risapararire kune mamwe matunhu enyika.

Cabinet yakawedzerawo nemasvondo maviri chirongwa che”lockdown” kuKwekwe nedonzvo rekudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCovid-19 iyo inozivikanwa nekunzi Indian variant yakatangira kunyika yeIndia.

Bazi reutano nekurerwa kwevana rinoti “lockdown” dzemunzvimbo idzi inzira yekuti chirwere ichi chisapararire kubva pachinenge chanyukira apo matanho anenge achitorwa ekuchirwisa.

Share This:

Sponsored Links