KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kunhandare dzakasiyana kutanga musi weMugovera apo zvikwata zvose zvemuCastle Lager Premier Soccer League zvichatamba mumutambo weChibuku Super Cup.
Zvikwata zvinoti Dynamos, Highlanders, CAPS United, ZPC Kariba, FC Platinum neHarare City zvichatamba svondo rino uye zvichange zvichirwira kufambira mberi kusvika kufainari yemutambo uyu.
Gore radarika, mukombe wemutambo uyu wakatorwa neFC Platinum mushure mekunge yakunda Harare City 3-1 pamapena.
FC Platinum yakabva yawana tikiti rekutamba mumutambo weCAF Confederation Cup uyo yakazoburitswa neYoung Africans yekuTanzania.
Zvakadaro, shasha dzegore rino dzichahwiniswa US$75 000 pamwe nemukombe kozoti chikwata chichakundwa mufainari chichadzokera kumusha chakabata US$50 000.
FC Platinum v Dongo Sawmill
Chikwata chaNorman Mapeza ndicho chine mukombe uyu uye chichange chichirwa semvumba kuti chiuchengetedze apo chichasangana neDongo Sawmill kuMandava Stadium, kuZvishavane.
Zvikwata zviviri izvi pazvakambosangana nguva yadarika mutambo wacho wakapera uri mangange 2-2.
Mumitambo yadarika, Platinum yange iri kutamba zvinonwisa mvura ukuwo Dongo Sawmill ndiyo yakasenga logo iri pasi zvimwe zvikwata zvose muPLS.
Dynamos v Whawha
David Mandigora akamiswa basa svondo radarika kuDynamos saka zvinoreva kuti aimbove mutevedzeri wake Tonderayi Ndiraya ndiye achatungamira chikwata svondo rino apo vachasangana neWhawha kuRufaro. Whawha mwaka uno yakashamisa vatsigiri venhabvu vakawanda payakakunda DeMbare 1-0 mumutambo wePSL asi svondo rino yega inoziva kuti masamba achange ashanduka.
CAPS United v ZPC Kariba
Nguva pfupi yadarika, zvinhu zvakatanga kufamba zvakanaka kuKepekepe uye iri kupinda mumutambo uyu morari yayo yakasimuka. Kune rimwe divi, Kariba iri kutatarika zvikuru kubva pakagadzwa Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa panyanga.
Mumitambo minomwe yadarika, ZPC Kariba haisati yambohwina yange ichiita mangange nekungokundwa.
How Mine v Highlanders
KuBulawayo kuchange kwakaipa uko kuchaona How Mine ichisangana neHighlanders mumutambo weBulawayo Derby. Zvikwata zviviri izvi zvose zvinorwira hukuru hwemuBulawayo nekudaro zvichaedza nepazvinogona kuhwina mutambo uyu kuti zvigofambira mberi. Highlanders ichiri yakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kukunda kwayakaita DeMbare svondo radarika 1-0 mumutambo weZNA Commander’s Charity Shield.
Mitambo
How Mine v Highlanders
Caps United v ZPC Kariba
Chicken Inn v Hwange
Triangle v Tsholotsho
Dynamos v Whawha
Chapungu v Flame Lily
FC Platinum v Dongo
Harare City v Buffaloes