Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere kumujaho wemarathon wekupemberera zuva guru reWorld AIDS Day uyo uchaitirwa kwaRusape nemusi weSvondo uno.
Mujaho uyu uri kurongwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) uye uchakwikwidzwa neshasha dzinobva kumapurovhinzi ari kumativi mana enyika.
Zuva reWorld AIDS Day rinocherechedzwa nemusi wa1 Zvita gore rega-rega uye gore rino mhemberero idzi dziri kuitirwa pachikoro cheJohn Cowie Primary School, kwaRusape.
Achitaura nevatori venhau pachirongwa cheNAC Media Tour, District AIDS Coordinator weNAC kuMakoni District – Spencer Banguza – anoti gore rino muchiitiko chinove chekutanga, sangano ravo rakaronga mujaho wemarathon uyu.
Banguza anoti shangwiti dzichakwikwidza pamujaho uyu dzichamhanya makiromita mashanu, 10km ne21km.
“Kekutanga munhorondo yedu, tiri kuronga mujaho wemarathon uyo uchaona shangwiti dzemujaho uyu dzichiuya kuzokwikwidza uye uchange uri chikamu chemhemberero dzeWorld AIDS Day.
“Mujaho uyu uchaona vanhu vakawanda vachibva kumapurovhinzi akasiyana vachiuya kuzokwikwidza.
“Tine shangwiti dzakawanda dziri kutonyoresa kuti dzinoda kuzokwikwidza pamujaho uyu saka tinotarisira kuti vanhu vakawanda vachauya,” anodaro Banguza.
Achitaura pamusoro peWorld AIDS Day, Banguza anoti gadziriro dzekucherechedza zuva iri dzave padanho repamusoro.
“Donzvo redu kuona kuti tarwisa kuderedza kutapurirana kutsva kwedenda reHIV uye kuona kuti vanhu vanotapurirwa hutachiona vanotanga kupihwa mishonga yeAnti-Retro Viral Therapy,” anodaro Banguza.