Chaibhururuka chazomhara!

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

KUBVA Bhritiyana

Kuuya muno muZimbabwe

Kutsvaga upfumi hwemuno

Zvanzi togara muno

Kuuya namaDakota, namaherikoputa

Kutsvaga upfumi hwemuno, zvanzi togara muno

 

Rwakaimbwa panguva yakarohwa hondo yeChimurenga Chepiri, pahondo yeminda vanhu vakapamhidza zvakare kuimba kambo aka kuyeuchidza maBritish kuti vauyi, vakauya kuzopamba nokuba upfumi, vapedza izvozvo vakabva vatoti nyika ino ndeyavo.

Asi nhasi uno Mukwende paari kunyora dai vaine ndangariro dzinoenda kure, vaizvifunga kuti takaudzwa kuti “Zimbabwe will never be a colony again” (Zimbabwe haizombofa yakapambwa zvakare).

Chinoshamisa pamaBritish ndechokuti, munyika dzavakange vakapamba havadi kubuda. Vanoedza nzira dzakasiyana-siyana kuti vawane mikana yokudzoka kuzopamba zvakare.

Asi, hazvina kuvanetsa kuti vaite sarudzo dzokubuda musangano reEuropean Union svondo rakapera, sangano romudunhu mavo, rine vokwavo. Kana mumutambo weEuro 2016 zvimwe chete.

Harisi sangano ravakange vagara kwemakore mashoma-shoma, asi kuti Britain yakave nhengo yomubatanidzwa wokudyidzana mune zvoupfumi nokuchengetedzwa kwenyika dzemuEurope reEuropean Economic Commission wakatangwa mugore ra1957 neBelgium, France, Italy, Luxembourg, Netherlands neWest Germany.

Britain yakaita nhengo yeEuropean Union musi wa1 Ndira 1973. Vange vagara makore 43, asi musi 23 Chikumi vakavhota mureferendum yokuti voramba vari nhengo yeEU here kana kuti kwete.

Rainge dambe, asi Britain yakatobuda muEU musi weChishanu chapfuura, nokuti ruzhinji rwakavhota rwakati, kwete, sangano reEU harichaita.

Hapana akatarisira zvakazoputika mumashure, uyewo nezvichiri kungoputika pakunyora kuno. Musi weChishanu VaDavid Cameron vakabva vangoti vave kusiya chigaro. Kunyange zvazvo vachitarisirwa kuzoenda muna September kana Gumiguru, nemamiriro aita ukama pakati peBritain nesangano reEU, hazvishamisi vakakurumidza kuenda kuitira kuti pave nemutungamiri mutsva anoita kuti zvinhu zvigadzikane, kunyanya upfumi hwepasi rese hwakabva hwangopindwa negonye mushure mechiitiko ichi.

Ukatarisa mapato omuBritain zvakare, unoona ari manyama amire nerongo, zvokuti kana iyo Britain, ichave udambu-udambu, nokuti Scotland yave kuti vave kuda independence yavo.

Pafungeiwo zvakare: guta reLondon rave kudawo independence nokuti vazhinji vavo vakavhotera kuramba vari muEU, sezvakangoitwawo neScotland.

Kana kuri kubato raTony Blair reLabour, ndiko kune mahumbwe chaiwo. Vari kudzingana, vamwe vachibva vega pazvigaro, nokuti vanoti mutungamiri wavo Jeremy Corbyn haana kupa utungamiri hwamandorokwati, kuitira kuti vanhu vavhotere kuramba vari muEU.

Tave kunzwawo kuti nyaya dzorusarura – nyaya dzokuti vanhu vasiri vomuBritain, vachena navatema, ngavabude, vamwe vachitukirirwa, zvokutukirirwa zviye. Pamwe manyepo, asi mamwe makambani ave kutoti havachada kuramba vari muBritain.

Zvimwe zvizvarwa zveBritain pazviri kuedza kuudza sangano reEU kuti tipei mumwe mukana tivhote zvakare, iyo EU yasunga, nokuti vakagumbuka nezvakaitwa neBritain, zvinove zvakonzeresa zvakawanda muEurope nepasi rese.

Vakatsika madziro, vachiti Britain ngaikurumidze kuita zvinotarisirwa kuitwa nenhengo dzinenge dzati hadzichada nezveEU. Zvanzi manonoka, nokuti ndivo vatanga kuzviita.

Nhai imi zvizvarwa zveBritain, munogara makakwira pachuru muchiti ndimi nyanzvi panyaya dze“democracy”, zvatave kuona zviri kuitika muhurumende yenyu, mapato anotonga neanopikisa, zvave kutipa mibvunzo yakawanda, makavhota zvikapera, saka munodirei kudzokorora? Ndizvo zvinonzi, chinobhururuka chinomhara here?

Ndataura kunge zvinonzi Britain neEuropean Union hazvinei nesu muno muZimbabwe neAfrica. Sungano yacho yakasimba zvokusimba zviye, zvokuti hazvidi kungochera pamusoro kuti unzwisise kuti ramangwana rakamira sei.

Tingariziva sei, kana iyo Briatain yacho isati yave kuziva kuti vari kuenda here, kana kudzoka? Tingazive sei kana Europe yacho isati yazvibata kuti ramangwana rakamaira sei?  Vazhinji ingori fungira mumwoyo, rwendo rwembwa.

Asi ndinopeta ndichiti tinowanikwa tiri pakati penyaya dzinenge dzisinei nesu, nokuti Britain nenyika dzakawanda dzomuEurope ndivo vakange vakapamba nyika dzomuAfrica kwamakore anopfuura zana.

Ndivo zvakare vakatakura zviuru zvezvizvarwa zvakawanda zvemuAfrica vachienda nazvo kunovaita nhapwa.

Ngaive garoziva kuti Berlin Conference yakaitwa muna 1884-1885, vachigoverana Africa kunge yavo, ndipo pane mudzi wenyaya.

Nokudaro, masangano atiinawo muno muAfrica – Southern African Development Community (Sadc), Ecowas, East African Community, vese naamai vacho African Union vakasungwa ndare nemakakatanwa eBritain nedzimwe nyika 27 dziri muEU. Tiri parwendo tese!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey