Chakamutsa hondo

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinotanga mumwe mubvunzo unoenderana nebhuku Gona ReChimurenga.

Zvakawanda zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatema vaende kuhondo yeChimurenga nevachena. Tsanangura zvikonzero zvacho uchipa tsigiro dzinogutsa kubva muna Gona ReChimurenga.

Regai nditange nekukutsanangurirai zvinofanira kuitwa pamubvunzo uno tisati tatanga kuupindura.

Chekutanga unofanira kunzwisisa zvinhu zviri kudiwa nemubvunzo zvakaita sezvikonzero zvekuti hondo yeChimurenga irwiwe.

Izvi zvinokurerukirai nekuti ndizvo zvamuri kuita kune zvimwe zvidzidzo zvakaita sezvenhoroondo.

Chepiri nzwisisa kuti pari kudiwa tsigiro dzizere kubva muna Gona ReChimurenga.

Tsigiro idzi unodziwana kubva pakunyorwa kwebhuku kuburikidza nezvaitaurwa nevatambi, zvavanoita, zvavanoitirwa nevachena vacho nezvimwewo. Haufanire kupa tsigiro isiri mubhuku kunyangwe zvazvo uchiziva zvikonzero zvinodaro zvakatuma vatema kuti varwe hondo yeChimurenga.

Ukaona mubvunzo usina kukujekesera pfungwa dzinodiwa kuti unge uchipa mhinduro izere saizvozvi, unokurudzirwa kuti upe pfungwa sere netsigiro dzinoenderana naizvozvo.

Ndiko kuti uve nechivimbo chizere. Zvakakoshawo kuti kana ukapa pfungwa shanu pamubvunzo wocherechedza kuti wapa tsigiro mbiri papfungwa imwe chete.

Ukadaro zvinokurerukira nekuti makwenyerwo emhinduro yemubvunzo wakadai hakuna anonyatsoziva. Dzimwe pfungwa netsigiro dzingapihwa ndeidzi;

Magandanga akanga aenda kuhondo nezvikonzero zvekunorwisa udzvanyiriri neumbavha hwevachena. Izvi tinozvinzwa naMabhunu paanoti (p19), “Bhunu ndiro rakange raunza zvose izvi saka ndiro randaida. Vakuru vedu vairwisa chirwere chinonzi hudzvanyiriri chete asi ini handaida kuona bhunu.”

Udzvanyiriri uhwu hunobuda panonzi, “Udzvanyiriri rudzii hunenge hwetsikidzi hwokutandanisa ini muridzi wemba iyo yogaramo?”

Chimwe chikonzero chakaita kuti vatema vaende kuhondo yeChimurenga ndechekuti vanhu vatema vaityorerwa kodzero dzavo. Zvinobuda panonzi, hanzvadzi dzedu dzaibatwa nechisimba nemaSelous Scouts aishandiswa nevachena mukuedza kuti hutongi hwavo hurambe huchienderera mberi.

Vatema vakarwa hondo yeChimurenga zvichitevera kurohwa kwavaiitwa kusina tsarukano.

Tinonzwa kuti vanamai nanababa vakange vachigarorohwa vasina zvavatadza kunyanya nemaSelous Scouts. Panonzi, “Vairara musango vachirohwa zvikuru kunzi tororo riripi. Aidaro zvake asi aive munhu” p20.

Tinoenderera mberi nemhinduro yemubvunzo uno svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links