Uncategorized

Chamangwiza weEthical Holdings

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Chamangwiza weEthical Holdings VaMachingaidze

Kwayedza

VADAVID Machingaidze murume aona matambudziko anosanganikwa nawo nevarimi vadiki kwemakore anodarika makumi maviri uye rusarurwa runoitwa kuvarimi nekusabatwa zvakanaka kwavanoitwa kumisika yakasiyana-siyana.

Nekuda kweizvi, VaMachingaidze vanovimbisa kusandura mabatirwo anoitwa varimi aya kuti vabatwe zvakanaka.

VaMachingaidze ndivo chamangwiza weEthical Holdings, inova kambani yemuZimbabwe yakura zvekuti ine mabandiko maviri ayakavamba, Ethical Leaf Tobacco (ELT) neZimbabwe Cotton Consortium (ZCC).

Izvi zvabatsira varimi vazhinji avo vanga vachibatwa nekuseri kweruoko kumisika.

“Hunyanzvi hwangu munyaya dzevarimi nekurima hwakabva kure apo nyika yakatora ivhu kubva kuvarungu. Panguva iyi, varimi vadiki vaisvika 5 000 uye vaitarisirwa pasi. Apa ndipo pandakaona kuti varimi vadiki vakawana rutsigiro uye zvekushandisa vanokwanisa kuva nedonje nefodya yemhando yepamusoro,” vanodaro.

“Muono wedu wakanangana nekuvandudza varimi vadiki pane zvavanorima nekukohwa uye kuva pakati pemakambani epamusoro mashanu pamakambani ari mune zvekurimwa kwefodya nekuva kambani yechipiri iri mune zvekurimwa kwedonje,” vanodaro VaMachingaidze

VaMachingaidze vakashanda pazvigaro zvepamusoro zvakasiyana kubva muna2002 pamakambani akadai seTobacco Sales Floor (TSF) neCotton Company of Zimbabwe.

Pamusoro pezvo, vakawana dzidzo pazvikoro zvine mukurumbira pasi rose zvinosanganisira Harvard Business School (HBS).

Vanoti uku ndiko kwavakaona hunyanzvi hwekutungamirira makambani akasiyana-siyana zvinova zvakaita kuti makambani avo akasire kusimuka kubva paakavambwa.

Ethical Holdings inotengesera varimi vefodya nevedonje zvekushandisa pakurima nemitengo yakaderera kana zvichienzaniswa nezvimwe zvitoro.

VaMachingaidze vanoti vari kukumbira kuti Hurumende irambe ichibatsira varimi, kunyanya nemamiriro akaita hupfumi hwenyika apo mari iri kunetsa kuwana kumabhengi.

“Donje nefodya zvinonyanya kuda kuti varimi vashandise mari dzekunze pakutenga zvekushandisa pakurima.

Kukwira kuri kuramba kuchiita interbank rate kunokanganisa varimi ava pakurima kwavo, kunyanya panyaya dzekuti vatenge mafuta ekushandisa pakufambiswa kwemishina nemotokari,” vanodaro.

Zvisinei, ELT yakwanisa kutsvaga zvekushandisa pakurima nemitengo iri nane kana zvichienzaniswa neiri kutengeswa nezvimwe zvitoro.

“Izvi zvinoratidzwa nekutorwa zvakanyanya kuri kuitwa zvekushandisa pakurima zvatinazvo sezvo takwanisa kutengesa zvinhu zvinokosha $68million parizvino,” vanodaro VaMachingaidze

Varimi vadiki vagara vanotadza kuva negoho rakakura nekuda kwekushaya mari kwavanoita, pamwe pacho vanonoka kuwana zvekurimisa nenguva.

VaMachingaidze vanoti zvakakosha kuti varimi vatevedzere zvavanenge vawirirana nemakambani anovapa makondirakiti.

“Varimi vazhinji vabudirira nekuda kwerubatsiro rwavanowana kubva kumakambani anovapa zvekushandisa. Vanofanira kuona kuti vawana zvekushandisa zvavo nenguva uye kuva neruzivo rwakakwana kuti vangazvifambisa sei kuti vakwanise kutengesa zvavanenge vakohwa vachiwana mari yakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links