Chando: Gara wakagadzirira!

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MWAKA uno wechando unozezwa nevanhu vakawanda nekuda kwekuti kunze kunenge kuchitonhora, zvikuru mwedzi waChikunguru zvichinosvika munaNyamavhuvhu, apo kunenge kuine chando nemhepo inovhuvhuta.

Nguva ino zvakare, kune zvirwere zvakasiyana zvinogona kunyuka izvo zvinokonzerwa nechando.

Zvirwere izvi zvinosanganisira chechikosoro nechedziwa izvo zvinotambudza vanhu vakawanda.

Kana munhu akatonhorwa zvakadarikidza, anopedzisira abatwa nezvirwere izvi.

Chakaipira zvirwere zvakadai sechedzihwa nechechikosoro ndechekuti zvinotapuriranwa nekukasika kuburikidza nekuhotsira kana kukosora kunenge kuchiita murwere.

Nekudaro zviri nyore kuti vanhu vemumhuri vatapurirane zvirwere izvi nekuda kwekuti vanenge vachigara nekudya pamwe chete.

Mazuva ano mishonga yekurapa zvirwere zvakasiyana iri kudhura zvikuru nekuda kwemamiriro akaita nyaya dzeupfumi munyika, saka zvakakosha kudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nechando pane kuzoshungurudzika munhu ave kutsvaga mishonga yekuti arapwe apo anenge orwara.

Veruzhinji vanokwanisa kuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvinokonzerwa nechando kuburikidza nekupfeka nhumbi dzinodziya uye nekuona kuti havagare pamhene panenge pachitonhora kwenguva yakareba sezvo izvi zvichiita kuti miviri yavo ipindwe nechando.

Kune vamwewo vanodziya moto, kusanganisira wemarasha anenge ari mumbaura.

Avo vanoshandisa mbaura, zvakakosha kuona kuti kana vachinge vachidziya moto uyu vari mumba, mahwindo kana kuti magonhi anenge akavhurwa.

Izvi zvinoitirwa kuti hutsi hunenge huchibva mumarasha hubude kunze nekuti kana hukasabuda, vanhu vanokwanisa kurasikirwa neupenyu sezvo vanopfumbirwa votadza kufema zvakanaka nekuda kwemweya we”carbon dioxide” unenge uchibva mumarasha anenge achitsva.

Zvinorwadza kurasikirwa neupenyu nenzira dzinokwanisa kudzivirirwa nekudaro vose vanoshandisa marasha vanofanira kuzviita nehuchenjeri.

Veruzhinji vanokwanisawo kudzivirira kupindwa nechando mumuviri nekudya chikafu chinodziya, kusanganisira kunwa svutugadzike.

Munguva dzehusiku, zvakakosha kugara mumba kana panzvimbo inenge yakavharika isingapinde mhepo kuitira kudzivirira kupindwa nechando.

Veruzhinji vanofanirawo kugara vachiteerera yambiro inopihwa nevebazi rezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department.

Yambiro inopihwa nevebazi iri yakakosha zvikuru nekuti inoita kuti veruzhinji vazive mamiriro anenge akaita kunze kumatunhu akasiyana enyika sekuti kuchange kuchitonhora zvakanyanya here kana kuti kwete.

Mushure mekuziva mamiriro anenge akaita kunze, veruzhinji vanokwanisa kutora matanho ekuzvidzivirira kana kuine chando chakanyanyisa.

Chando hachingokanganisi utano hwevanhu chete, asi kuti nezvirimwa zvakare.

Zvirimwa zvakadai sematomatisi nemuriwo zvinogona kurohwa nechando izvo zvinoita kuti murimi arasikirwe zvikuru.

Nekudaro zvakakosha kuti varimi vatore matanho ekudzivirira zvirimwa zvavo kuti kuti zvisarohwe nechando.

Varimi vanokurudzirwa kuti vashandewo nemadhumeni ari kumatunhu avo, vachipihwa mazano ekuti vangadzivirire sei zvirimwa zvavo kubva kuchando.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>