Uncategorized

‘Changu kubira mhene, kurova’

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Changu kubira mhene, kurova’ Mary “Brother Mary” Shasha akabata bhokisi rizere makondomu

Kwayedza

Wendy Nyakurerwa anga ari kuCHIVHU

TSVARAKADENGA yemuChivhu – iyo inova pfambi uye mbavha yemandiriri – iri kuita kuimba chaiko ichiti raramo yayo iri mukubira vanhurume mumabhawa uye haina wainozeza pazvibhakera.

Mwanasikana uyu, uyo ane makore 25 ekuberekwa, anoti akatosvika pakusiya murume wake kuitira kuti anyatsosununguka pakushandisa tarenda rake iri – rechipfambi, kuba nechioko chegudo.

Munhu ane chioko chegudo ndeuya anongorova vamwe, anofarira zvimbokoma.

Mary Shasha – uyo anozivikanwa muChivhu nezita remadunurirwa rekuti Brother Mary – anotozvirova dundundu achiti, “Hapana kana murume 1 anoti pwe pazvibhakera kana zvangu zvandibata”.

Zvisinei, Brother Mary anopika kuti haarwe nemunhukadzi.

“Ini handimisidzane nevakadzi, ndingatouraya. Ivava vemabhurugwa ndivo vandinotoda.

“Handidi zvekujairirwa, hakuna murume anondikecha zvedzungu, vanotozviziva. Vanoda nezvangu vanotoenda nekunaStrong, ndiye anotozotaura neni zvakanaka,” anodaro Brother Mary achitsanangura hunhu hwake.

Uyuwo Strong, rake repachitupa achinzi Anna Paindi (59), aive padivi achingogutsurira musoro kubvumirana zvaitaurwa naBrother Mary kuKwayedza.

Strong ndeimwe pfambi yechikuru yemuChivhu iyo inoti yava papenjeni mushure mekushanda basa iri kubva mugore ra1980.

“Inini ndakashanda kare ndikatoyarutsa vana vangu vaviri kubudikidza nechipfambi. Basa rangu rangova rekuchengetedza vana ava (pfambi dzemuChivhu) nekutengesa zvangu chikafu mumabhawa.

“Asi ndinaye wangu wandava kungochengetana naye,” anodaro Strong, uyo anova chizvarwa cheMalawi.

Brother Mary anopindira achiti, “Tinochengetana isu, basa iri rine njodzi huru. Pamwe pacho vasikana vanotorerwa mari, pamwe kurohwa nekumanikidzwa kuita zvavanenge vasingatenderane nazvo. Saka vanotozviziva vasikana kuti Brother Mary ndinovamiririra ndikangozvinzwa chete.”

Dzimwewo pfambi dzainge dzakatenderedza mutori wenhau weKwayedza paiitwa hurukuro ino dzinobvumirana nemashoko aya. Havagoni naBrother wavo!

Asi Brother Mary anoreurura kuti basa rake guru nderekuba, kwete chipfambi.

“Zvechipfambi hazvina mari izvi. Semuno matiri kushandira, pamwe unogona kubhadharwa kana pondo chaiyo for short-time, pamwe pacho mhene yokuburitsira kana $5. Saka hapana raramo inobuda muchipfambi, ndicho chokwadi. Ndezvekungofara chete izvi.

“Ini yangu mari ndinoiwana mukuba. Ndinonyepedzera hangu kuita sendakuvara nehope, ndozemberana nemunhu wangu. Apa ndinenge ndichitosecha homwe,” anodaro pasina kana nyadzi.

“Izvozvi ndichiri kutomboshandisa ka25 kandakatora nezuro,” anodaro mwanasikana.

Opinda mune yezvibhakera, Brother Mary anoti haana mangoromera, asi kuti “ndezve dzinza”.

“Haa, mangoromera bodo. Kungoti kumba kwedu ndizvo zvatiri.”

Nyaya yezvimbokoma yapinza Brother Mary mujeri kanokwana kuita kana mumakore mashanu adarika.

“Dzandinongosungirwa ndidzodzi chete dzezvibhakera. Dzechipfambi hadzisati dzandipinza mutirongo. Asi handidi kunyepa, hapana pandinombozvitukira maitiro angu, ndiko kurarama kwacho.”

Brother Mary, uyo anoti akaita vana vaviri nemurume waaimbenge akaroorwa naye asi vose ndokufa mushure mekurwara, anotizve mhuri yake haizive nezvebasa raanoita. Anopedzisa achiti anokoshesa kushandisa makondomu nemazvo sedziviriro yekuti asatapurirwe zvirwere zvepabonde.

Share This:

Sponsored Links