Chara chimwe hachitswanye inda

18 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
Chara chimwe hachitswanye inda Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

PATAKAKURA tiri kumaruwa taigona kupfeka mbatya dzedu kwemazuva akawanda dzisati dzagezwa. Kana mbatya dzatora nguva refu dzisati dzagezwa kudai, dzinomera tupuka tudikidiki twunonzi inda.
Inda idzi dzinoruma muridzi akadzitakura mutsvinayo.

Kupedza kurumwa nenda kugara wakachena nekupfekawo zvakachena. Zvino pamwe sipo yekugezesa mbatya inenge isipo. Kushaikwa kwesipo zvinoreva kuti inda dzichaberekana ugoramba uchirumwa chete.
Inda kapuka kanonetsa kurwisana nako kanapo kari kadiki zvako. Munwe mumwechete kana minwe yeruoko rwumwe chete haikwanise kukauraya. Kanotoda kukoka munwe werumwe ruoko. Ndipo pakabva chirehwa-rehwa ichi chevaNyai/Shona chekuti “chara chimwe hachitswanye inda”.

Nezvo vakuru vedu vekare vakagona kuwana dzidziso kubva kukapuka kanotitambudza nekutiruma kuti kanotoda kubatsirana kweminwe kuti tikakunde. Apa ndipowo panobva donzvo renhimbe. Vamwewo vanodaidza nhimbe kuti humwe.

Nhimbe kana humwe zvinoreva kuita chinhu takabatana kuti tichikurire. Ngatitore mufananidzo wekupura chibage kwatinoita kumaruwa. Nokuti vazhinji vedu hatisati tave nemichini yekupura chibage, tinobika doro renhimbe. Vanhu vanopihwa doro iri chete kana vapedza basa rekupura. Paye pavanenge vazorora, ndipo pavanozopihwawo hwahwa vachivaraidzana. Nyaya haisi yehwahwa, asi ndeyekubatsirana kupura chibage chawandisa pamusha kuti chisaparare.

Tarisai vadare muone kwatabva nenyaya yedu yechara chimwe hachitswanye inda. Taikudza kubva pakurwisana nenda, tikasvika panhimbe nayo. Zvino tinodawo kuti tionesane kuti tinogonazve kuikwidza makata kusvika kumakambani edu.

Makambani anogona kuita mubatira pamwe zvekare kurerutsa ndima. Izvi zvinoitwa nema’departments’ anoshanda pamwe chete kuti kambani ibudirire. Muridzi wekambani haagone kuita zvinhu oga nokuti zvingamuremere. Nokudaro, anotsvagawo vabatsiri vane hunyanzvi hunopfuura hwake kuti vashande mabasa, chinangwa chiri chimwe chete chekuti kambani ibudirire.

Nenyikawo dzinoitawo mubatanidzwa wakadai kana dzichida kukurira matambudziko adzinosangana nawo, angave ekurwisna nenzara, zveupfumi hwenyika, kana kurwisa vapanduki munyika inenge yasangana nedambudziko iri. Izvi zvinorerutsa ndima kupedza nzara, matambudziko ekushaya mabasa kana kupedza hondo nekukasika.

CHENJEDZO:
Dare rino rinoti nesuwo ngatiite mushandirapamwe uyu unoitwa netupuka twesango semasvosve anogona kusimudza chinhu chikuru-kuru pamusana pekubatsirana. Hanga musango dzinoita zvimwe chetezvo pakurwisa nyoka. Hapana dambudziko risingapere tikashanda pamwe. Chinotigonesa kukunda kuwanda kwepfungwa dzinobva pane mumwe nemumwe wedu kuti tirwise dambudziko iri sechinhu chimwe chete.

Kana mumba, mudunhu, mukambani kana munyika chaimo tinogona kubudirira kana tikaisa misoro yedu pamwe chete tichigoverana pfungwa. Humbimbindoga haupedze dambudziko, nezvo chara chimwe hachitswanye inda.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mail
to:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links