Chari-Chiimba oparidza nenziyo

09 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
Chari-Chiimba oparidza nenziyo Lindiwe Chiimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechitendero ari kusimukira – Lindiwe Chari-Chiimba – uyo pari zvino ari kugara kunyika yeSouth Africa, akabura dambarefu idzva rinonzi Kudzoka KwaJesu.

“Dambarefu iri rine rwumbo rwumwe chete rwuri maringe nekudzoka kwaJesu. Tinoziva kurarama kwatinoita pano panyika hakusi kwenguva refu nekuti bhaibheri rinotaura kuti Jesu achadzoka kuzotora mumwe nemumwe uye munhu nemunhu achatongwa nemabasa aakabata.

“Nokudaro, rwiyo urwu rwuripo pakuyeuchidza ruzhinji rwenyika kuti panguva yazvino tigadzirire kudzoka kwaJesu kuburikidza nekuita mabasa akanaka kuti paanozodzoka, awane takachena. Ngatisiyei mabasa akaipa sehupombwe, kuba nekuuraya titevedze mirayiro ine gumi uye zvinotibatsira kunyangwe mukugarisana kwatinoita pano panyika kuti tive nerunyararo,” anodaro.

Chari-Chiimba akaberekerwa kwaMutoko uko akayarukira uye akatanga kuimba aine makore 14 okuberekwa.

“Ini ndine vana vaviri uye nyaya dzekuimba ndakadzitanga ndiine makore 14 ekuberekwa,” anodaro.

Anoti dambudziko rekutsikisa ndiro raiva guru sezvo akanga asina mari asi haana kurasa taririro.

“Mugore ra2018, zviroto zvangu zvakava nedudziro apo ndakakwanisa kupindawo kumizinda inotsikisa mimhanzi ndikabura dambarefu rangu rekutanga rine musoro unoti Bvisai Munyama iro rinova rakatambirwa zvikuru mumapoka akasiyana, kusanganisira pamasaisai eSocial Media,” anodaro.

Chari-Chiimba anoti anofara nekudada nechipo chaanacho.

“Mugore ra2020, ndakakwanisa kutsikisa dambarefu Ndopupura Denga rine nziyo sere dzinosanganisira Mumwe Ndiyani? Batsirai Mweya Wangu, Hazvina Mwaka, Ndiye Jesu, Nguva Yakwana, Nguva Iri Kupera uye imwe yebhonasi inonzi Bvisa Munyama.

“Mugore rimwe chete iri ndakatsikisazve rumwe rwiyo rwunonzi Testimony Yangu. Gore rino, ndiri kubura rimwe dambarefu idzva nemusi wa28 Gumiguru rinonzi Shoko Randinotenda kureva kuti ndinenge ndava nemadambarefu maviri uye masingle tracks maviri,” anodaro.

“Basa rekuimba harisi nyore, zvikuru sei kana uri munhu uchiri kutanga kupinda mundima nekuti mune matambudziko akawanda sekushaikwa kwemari yekutsikisa. Asi ndinofara nekuti vatsigiri vangu vari kuita basa guru nekutenga mimhanzi yangu kuti ndiyambuke. Ndine tarisiro yekuzobura mavhidhiyo maviri asi dambudziko rehomwe dzichakaoma ndiro riri kundidzorera kumashure,” anodaro

Share This:

Sponsored Links