Charles Mungoshi akatisiira maodzamoyo

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Charles Mungoshi akatisiira maodzamoyo Charles-Mungoshi

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDINOFUNGA kuti pari zvino shoko rakasvikawo kwenyu kuti munyori ane mukurumbira, VaCharles Lovemore Muzuva Mungoshi vakatisiya. VaMungoshi aive munhu wandaiyemura nekuremekedza zvikuru munyaya dzezvekunyora mabhuku. Vaive mudzidzisi wangu asiwo vari mudzidzisi weZimbabwe yese. Kana pane munhu akaenda kuchikoro akaita ChiShona kana Chirungu asi asina kuverenga mabhuku aVaMungoshi, wakarasikirwa zvikuru nekuti wakadarika nepakanga pane muti wemuchero unonaka uye wakayibva ukasauona.

Charles aive chiremba wenyika, chiremba wetsika nehunhu. Nekune rimwe divi, akanga ari muporofita wenyika nevanhu. Ainyora pamusoro pematambudziko edu sevanhu vari kutsvaga kugara nekurarama hupenyu hwedu hunenge hwiza yanhonga gonye. Makonye emuhupenyu hwedu sekuona kwaMungoshi aive kuparara kwemhuri nekuda kweChirungu, matambudziko ekusavimbika muwanano, kudhakwa, kuzvitutumadza kunouya nekudzidza pamwechete nebudiriro.

Mabhuku aMungoshi pachezvawo anoburitsa misodzi inopedzisira yaita kuti kana nevaverengi vachemewo.

Ndakasangana naVaMungoshi pandakaverenga bhuku ravo rinonzi Ndiko Kupindana Kwamazuva kare ndichiri kuchikoro. Kana usati wamboverenga bhuku reChiShona rinosona pfungwa dzako dzikasara dzabatana sebhatani rasonerwa pahembe, verenga Ndiko Kupindana Kwamazuva.

Inyaya yevanhu vatatu – muchinda anonzi Rex Mbare anokundwa nepurezha, inyaya yaMagi mukadzi anoputsa imba yeshamwari yake asina kana vhundu. Mubhuku iri mune mukadzi akanaka uye akatendeka kumurume wake Rex. Mukadzi uyu anonzi Rindai.

Muna Ndiko Kupindana Kwamazuva, unorwadziwa nekunzwira Rindai tsitsi zvekuti kana ukasachenjera unotozoerekana wave kuridza tsamwa wega.

Mabhuku enganonyorwa eChiShona akawanda. Kune anotaura zvenguva dzechinyakare. Ndiwo mabhuku akaita sanaFeso, Tambaoga Mwanangu, Pfumo Reropa nemamwe. Aya mabhuku anotaura nyaya dzinenge ngano dzedu dziye dzinotanga nekuti “paivapo . . .”

Asi kunyorwa kwemabhuku eChiShona kuti abve pakungotorwawo semabhuku enguva dzechinyakare zvakanyatsotangwa nekusimbiswa naVaMungoshi. Ukatarisa kunyora kwaVaMungoshi, unobva watongoona kuti zvinhu zvasiyana.

VaMungoshi ndivo vega munyori wemuno muZimbabwe akanyora zvinyorwa zvinokorokoza kusvika kumongo achishandisa ChiShona neChirungu. Ndivo vega munyori muZimbabwe akanyora nganonyorwa, nyaya pfupi, nhetembo nemitambo.

Nhoroondo yekunyora kwaVaMungoshi inoratidza kuti zvipo hazvina nguva nezera nekuti vakatanga kufarira kunyora vachiri kupuraimari chaiko. Vaigona chikoro zvekuti kuDaramombe vakasvetuka zvidzidzo zveStandard 2.

Nyaya yavo pfupi yekutanga yakaita mukurumbira yakatanga kuburitswa mumagazini rechikoro ichibva yazoburitswa mumagazini raitsikiswa muSalisbury.

Bhuku raVaMungoshi rekutanga  rinonzi Makunun’unu Maodzamoyo rakabuda muna 1970. VaMungoshi vakashanda kuLiterature Bureau vachibatsira vanyori zvekuti vakatozopihwa mubairo muna 1975 wekubatsira pakuvandudzwa kwezvinyorwa zvevanhu vatema. Neimwe nzira, kana ukaverenga mabhuku aVaMungoshi, uchaona kuti vakanga vachirwisa hutongi hwemabhunu vachishandisa penzura.

Mabhuku avo anoyanika pachena nhamo yaionekwa nevanhu vatema mushure mekutorerwa ivhu ravo.

Hunyanzvi hwavo semunyori hwakaita kuti mabhuku avo awane mibayiro mikuru inoti: International PEN Awards (1975,1981 na1998); Noma yeAfrica (1980, 1984, 1990, 1992); Commonwealth Writer’s Prize yeAfrica nekuda kwebhuku ravoThe Setting Sun and The Rolling World (1988). Zvakarewo pamakore a1982 kusvika 1985, vakanga vachidzidzisa kunyorwa kwemabhuku paUniversity of Zimbabwe <https://www.pindula.co.zw/University_of_Zimbabwe>.

Iko kuUniversity of Zimbabwe ndiko kwavakazoona zvakakodzera kuti varemekedze mhizha iyi nedhigirii rehudhokota wezvekunyora muna 2003.

Kana pasi rese richikoshesa chizvarwa cheZimbabwe kudai, haasi Mungoshi akosheswa, asi inyika yake. Naiyowo nyika yake ngaimukoshesewo.

Mugore ra2010, VaMungoshi vakaoma mutezo. Havana kuzobvira vanyatsosimba kubva pahurwere uhwu.

VaMungoshi vakafa vave nemakore 71 uye vakavigwa kumusha kwavo kuChivhu, asi mabasa avo haana kuvigwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>