Chatinoda kuhwinha chete: Tapera

06 Jun, 2024 - 19:06 0 Views
Chatinoda kuhwinha chete: Tapera Warriors

Abel Ndooka

CHIKWATA chemaWarriors chine gomo guru rekukwira apo chichasangana neLesotho musi weChishanu chino uye neSouth Africa svondo rinotevera mumitambo yekurwira tikiti rekuenda ku2026 FIFA World Cup.

World Cup iyi ichatambirwa kunyika dzinoti Canada, Mexico neUnited States of America.

MaWarriors, Lesotho neSouth Africa zvose zviri muboka reGroup C nezvimwe zvikwata zvinoti Rwanda, Nigeria neBenin. Mumitambo yekutanga yakatambwa nemaWarriors yemuboka iri, zvakaona chikwata ichi chichiita mangange neRwanda 0-0 uye 1-1 neNigeria ndokuwana zvibodzwa zviviri.

Naizvozvo maWarriors ari kufanirwa kuhwina mitambo yawo miviri, weLesotho neBafana Bafana.

Mitambo miviri iyi ichatambirwa kuSouth Africa sezvo parizvino muZimbabwe musina nhandare yekutambira nhabvu iri padanho rinotenderwa neFIFA pamwechete neCAF.

Chikwata chaJairos Tapera ichi, chakaenda kuSouth Africa svondo radarika uko change chiri kuita gadziriro dzacho.

Kaputeni wemaWarriors – Marshall Munetsi – anoti mutambo wavo neLesotho wakakosha zvikuru nekudaro havasi kutarisira chikwata ichi pasi nekuti chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvakachiona chichiita mangange 1-1 neNigeria. Achitaura pavhidhiyo iyo yakaburitswa papeji reZIFA repaX, Munetsi anoti sechikwata vanofanirwa kutorwa semvumba mumitambo yavakatarisana nayo kuitira kuti vagosimuka muboka ravo.

“Mitambo yese yakangooma, saka hatifanire kutarisira pasi Lesotho nekuti tinoziva iri kutamba zvinonwisa mvura, takaiona ichiita mangange neNigeria.

“Lesotho tinotoziva kuti chikwata chepamusoro, vane vatambi vakawanda vanotambira muligi reSouth Africa, tinoziva kuti vanototamba nhabvu yepamusoro, saka tinofanira kuvangwarira patichatamba navo,” anodaro Munetsi.

Anoenderera mberi achikurudzira vatsigiri vemaWarriors vanogara muSouth Africa kuti vauye nehuwandu hwavo kuzovatsigira mumitambo yavo miviri iyi.

“Tinoziva kuti kuno South Africa tine vatsigiri vedu vakawanda, saka tinovakurudzira kuti huyai mutitsigire. Ini kuOrlando kumba kwanguwo futi saka ndinoziva kuti vatsigiri vedu vachauya nehuwandu hwavo,” anodaro Munetsi.

Achitaurawo achangotanga kusangana nemaWarriors kumavambo kwesvondo rino, Tapera anoti chikwata chake chakaenda kuSouth Africa kunohwina chete.

“Isu tauya kuno kuzohwina chete, chekutanga kuzvihwinira isu uye kuhwinira munhu wese ari kutsigira chikwata chedu cheTeam Zimbabwe.

“Hatisi kuzozama zvimwe zvinhu kwete, asi kuita zvose tione kuti tahwina mutambo wedu tifadze munhu wese ari kufamba nesu,” anodaro Tapera.

Anokurudzirawo vatsigiri vemaWarriors vanogara muSouth Africa kuti vauye nehuwandu hwavo kuzovatsigira kuti vagonzwa manyuku-nyuku ekutamba nhabvu yepamusoro uye vogohwina.

“Tiri kuda kuita zvakanaka kuti tifadze vanhu, kunyanya vatsigiri vedu saka tinoti vanogara muSouth Africa huyai nehuwandu hwenyu mutsigire vakomana vedu,” anodaro Tapera.

Mumitambo yakapedzisira kusangana maWarriors neLesotho, chikwata chenyika ichi chakahwinha mitambo yakasiyana inoti wekurwira kuenda kuCHAN, weCOSAFA Cup nemumwe wehushamwari.

Nerimwewo divi, Lesotho yakahwinawo mumwechete uye ndokuita mangange kamwechete zvekare.

Zvikwata zviviri izvi zvakapedzisira kusangana mugore ra2019 zvichirwira kuenda kuCHAN apo zvakatamba mitambo miviri, wekutanga wakatambirwa kuNational Sports Stadium uyo wakaona maWarriors achihwina 3-1 kuchiti wakazotambirwa kuLesotho kuMaseru wakapera uri mangange 0-0.

Share This:

Sponsored Links