Chauraya ndiye shasha yePool

04 Jul, 2014 - 00:07 0 Views
Chauraya ndiye shasha yePool TAKUNDA Chauraya achitamba mutambo wepool nguva pfupi yadarika

Kwayedza

TAKUNDA Chauraya achitamba mutambo wepool nguva pfupi yadarika

TAKUNDA Chauraya achitamba mutambo wepool nguva pfupi yadarika

MUTAMBI wePool wechikwata cheMudavanhu Best Pool Club, Takunda ‘Kaka’ Chauraya, ndiye akahwina mubairo mukuru pamutambo wePacific Storm One Man Pool Tournament uyo wakatambirwa kuGlen View 3 muHarare  svondo radarika.
Mutambo uyu waive nevatambi 130 vakabva kuzvikwata zvakasiyana zvakaita seMunyariri Pool Club, Mangwende Pool Club, Clearline Pool Club, DB Lions Pool Club neChitubu Rangers Pool Club.

Chauraya akakunda Simon Mavaku weClearline Electrical Pool Club mufainari yemutambo uyu uyo wainakidza zvikuru.

Mutungamiriri weHarare Pool League, Thomas Mafemera, akati kubatana kwakaita sangano ravo neSavanna Tobacco kuburikidza nePacific Storm kuri kubatsira zvikuru kusimudzira mutambo uyu sezvo vave kuona kuchiuya vatambi vakawanda kuzokwikwidza.

“Aiwa mutambo uyu waifadza zvikuru nekuti takaona vanhu vakawanda vachiuya kuzokwikwidza.
“Tiri kugutsikana zvikuru nekusimukira kuri kuita mutambo uyu nekuti pese vatambi vari kuuya kuzokwikwidza vari kuita vachiwanda.

“Asi tinoda kupa kutenda kukuru kuPacific Storm iyo iri kutikotsvera mutambo uyu sezvo kuuya kwavo kwave kubatsira kusimukira kwawo.

“Hukama hwedu huri kukura uye huchienderera mberi,” akadaro Mafemera.
Zvakadaro, Mafemera anoti pakupera kwemwedzi waChikunguru vari kutarisira kuronga mumwe mutambo  uchazokwikwidzwa nezvikwata zvese zvemuHarare.  Vatambi vakahwina svondo radarika vanoti, Takunda Chauraya,  Simon Mavaku apo pechitatu paive naTanaka Mukarakate weChitubu Rangers Pool Club kozoti Ngoni Bvekwa weDB Lions Pool Club ndiye akatora nhamba yechina. Vamwe vatambi vakakwanisa kupinda mutop 8, kubva pechishanu kusvika pechisere, vanoti  Kelvin Nyandoro weMangwende Pool Club, Paul Taderera weMunyarari Pool Club, Simbarashe Nhemachena weBudiriro 5 Pool Club pamwe naLewis Munyama weClearline Pool Club.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey