Chawawana idya nehama!

21 Jun, 2014 - 17:06 0 Views

Kwayedza

MAZISO nenzeve zviri kunyika yeBrazil kumitambo yeWorld Cup. Iyo iya Brazil yakangoshamisa vanhu timu yavo payakatambawo mutambo woushamwari nemaWarriors eZimbabwe munhandare yeNational Sports Stadium vachigadzirira kuzonotamba kuWorld Cup yekuSouth Africa mugore ra2010.
Ungazoti ndiwo maWarriors mamwe chete anotadza kubudirira kuenda kuAfrica Cup of Nations, akatombotambawo neBrazil. Matakadya kare haanyaradzi mwana.

Ukuwo matimu akamiririra Africa gore rino zvinenge zviri kuti netsei. Hapana timu yatamba zvinozadza mukombe. Toona kupera kwazvo, asi makata!

Hana ngadzigadzikane vana amai, murege kushungurudzika kuti zvauya sei nokuti zva2010 na2014 zvakasiyana.
Musanovhunzira zvakare muchifunga kuti wanano yave pahwindo sechitupa chomunhu adzingwa basa. Motosunga dzisimbe nokuti svondo rino nderokutanga kwemitambo yebhora. Vana baba munotovaona kumba nenguva mushure ma16 July bhora rapera nokuti vanoti kuruzhinji ndiko kwazvinonakidza. Nyika zhinji dzave nazvo zvokuti vanhu vanoona bhora vari chaunga pamaziterevhizheni makuru.

Makungano okuona bhora atotadziswa nenguva dzakasiyana, zvikuru pakati peBrazil neZimbabwe, nokuti mimwe mitambo inotozotambwa kwave kuedza kuno kuZimbabwe, asi kana baba iri iyo timu yavanofarira, regai zvakadaro.
Farai kuti vari kudzoka kudzimba nokuti kune dzimwe nyika kwapinda rukonye. Vapanduki veAl-Shabaab vave kuita vanhu vanoona mutambo webhora mhandu dzavo zvokuti kunyika yeKenya, vanhu vakaridzirwa mabara vachiona bhora musi weSvondo, makumi mashanu vakaparara.

Ukuwo kuNigeria kune mamwe matunhu akanzi nehurumende yeko vasaita kuti vanhu vaungane vachiona bhora pamusana pokuti vanotya kuti vapanduki veBoko Haram vanogona kutora mukana iwoyo kuuraya vanhu.

Zvino kana zvadai unenge uchiri mutambo wavanhu here? Nyika dzine runyararo seZimbabwe ndipo padzinofanirwa kuona kuti chinhu ichochi chavakabata chinonzi runyararo ngavachibatisise, vasaregedza chichitsvedza.

Kunyange zvawo maWarriors asiko kuBrazil, asi parunyararo Zimbabwe yatove pamberi. Kuzvikuza, nokuti tikasazvipembedza hapana anozombouya achitipembedza. Kuzvipembedzawo kune tarisirio yokuti irworwu runyararo ngarwuve musimboti wokubatana nokuita muonerapamwe. Pakabatanwa pane zvipenyu zvinobuda, zvinoita kuti nyika imuke itange kukwikwidzanawo nedzimwe. Vanhu vakaona kukosha kwazvo, vanodzoka kumashoko edzidziso emashakabvu Cde John Landa Nkomo: “Runyararo rwunotanga neni; runyararo rwunotanga newe; runyararo rwunotanga nesu tese”.

Vamwe zvakavapotsa, ndokusaka nhasi uno vasingazezi kuparadza upenyu hwavanhu vasina mhosva.
Zvinobatsirei kuve nezvese muupenyu kana munyika, kana pasina runyararo, vanhu vasingatye kudeura ropa kana kuita mhirizhonga nezvinhu zvenhando?

Ndosaka vakuru vachiti chawawana idya nehama, nokuti mutorwa ane hanganwa. Tati tiudzane vana vanyamunhu kuti kubhora ikoku mungafare, asi kune dzimwe nyika dzisina rufaro dzinodawo kuriona, asi zviri kunetsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey