Uncategorized

Chechi yoita chirongwa chekuchenesa nharaunda

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Chechi yoita chirongwa chekuchenesa nharaunda Rev Tsitsi Madzivire

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NHENGO dzechechi yeThe United Methodist Church in Zimbabwe Seke North Circuit yekuChitungwiza svondo rapera dzakaita chirongwa chekutsvaira nharaunda nedonzvo rekuti igare yakachena.

Vanamati ava vakatsvaira marara pamwe nekuvhara makomba emumugwagwa munharaunda yeUnit G, kusanganisira paSeke Teacher’s College.

Mai Muchaneta Mukahanana, avo vanova mutungamiriri weboka reChurch and Society muchechi iyi, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vape mucherechedzo wakanaka nekuchenesa munharaunda.

“Sekereke, tine chirongwa chekushanda pamwe nevakatikomberedza. Saka kana tikatungamiririra mumabasa akanaka zvinorevawo kuti vanhu vari munharaunda vachatevedzera tova nenharaunda yakanaka.

“Marara akanyanya kuwanda muno ndeemapamper anova ari kungorasirwa pose-pose. Tinokurudzirawo kanzuru yemuno kuti inge ichitakura marara mudzimba nenguva kuitira kuti vanhu vasawanikwa vachiarasira pose-pose,” vanodaro.

Mai Muchaneta Mukahanana

VaSimba Mareya, vanova sachigaro wechirongwa ichi, vanotiwo vari kuedza kuumba kudyidzana kwakanaka nenharaunda.

“Mapamper evana, mawivhi nemapurasitiki ndiwo marara mazhinji ayo anozoti kana zviya kwanaya anovhara migero inofambisa mvura.

“Zvekare dambudziko rezvirwere zvemanyoka rakanetsa muno muChitungwiza, ndiko kusaka tichida kurwisa izvi,” vanodaro.

Reverend Tsitsi Madzivire, avo vanova Pastor-in-Charge wechechi iyi kuSeke North Circuit vanoti kunamata kunobvira mukuchena kwepamwoyo zvichizotekeshera kunharaunda.

Share This:

Sponsored Links