Chelsea yadzinga Tuchel

07 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Chelsea yadzinga Tuchel Thomas Tuchel

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIKWATA cheChelsea nhasi mangwanani chadzinga basa murairidzi wacho Thomas Tuchel.

Izvi zvinotevera kusatamba zvinogutsa kuri kuita chikwata ichi mumwaka mutsva wegore rino.

Chelsea yakakundwa neDinamo Zagreb nezuro manheru mumutambo wavo wekutanga weUEFA Champions League.

Chinyorwa chabva kuChelsea chinoti: “Nhasi Chelsea yapesana nemurairidzi wedu Thomas Tuchel.

“Takamirira munhu wose wekuChelsea FC, chikwata chinoda kutenda Thomas nebasa raakabata panguva yaaive nechikwata chedu.

“Apo vatungamiri vatsva vasvitsa mazuva 100 kubva vatenga chikwata chino uye vachiramba vachishanda vachienda mberi, ino ndiyo nguva yekushandura zvakawanda.

“Vamwe varairidzi veChelsea ndivo vachashanda nechikwata takatarisana nemitambo inotevera apo tiri pakati pekutsvaga murairidzi mutsva wekutsiva Tuchel.”

Share This:

Sponsored Links