Chemai nevanochema

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MASVONDO maviri apfuura kusvika musi woMuvhuro 18 Kubvumbi, mazuva ange akagukuchira. Aive masanganiswa – kuchema zvese nomufaro.

Kunyange zvazvo misodzi ichakazara mumaziso, donhodzo rakauya musi woMuvhuro nyika ichipembera makore 36 okuzvitonga kuzere, mhemberero dzakange dziri pasi pedingindira rinoti, “Zimbabwe at 36: Celebrating peace and economic development.”

Regai nditange nezvakapa vanhu misodzi. Musi weChishanu 8 Kubvumbi, magamba echidzimai maviri, Cde Victoria Chitepo naCde Vivian Mwashita vakatisiya. Madzimai maviri aya akapihwa ruremekedzo rwapamusoro-soro rwemagamba zvakazoita kuti vachengetwewo pachikomo cheNational Heroes Acre zuva rimwe chete.

Magamba akapihwa ugamba, nokuti kuti kunzi nhasi Zimbabwe yave kupemberera makore 36 okuzvitonga kuzere, kune vakazvipira, vakaramba vakatsungirira, vakamira negwara reChimurenga, kusanganisira madzimai aya.

Cde Chitepo naCde Mwashita vakaradzikwa pamarinda eHeroes Acre musi wa13 Kubvumbi. Kakave kokutanga kuti magamba maviri echidzimai avigwe nguva imwe chete, noruremekedzo rwapamusoro-soro.

Musi wa9 Kubvumbi, Cde Chinyani Chinamano, mwanakomana waCde Josiah naCde Ruth Chinamano akatisiyawo. Cde Chinyani akateverwa nerimwe gamba anove munyori ane mbiri, Cde Alexander Gora Kanengoni, avo vakaradzikwa musi wa15 Kubvumbi, mushure mokunge vapihwa ruremekedzo rwegamba rehondo yerusununguko.

Nhoroondo yese iyi yarevei kunewe muverengi? Kune zvakawanda zvatinokwanisa kuzazanura kubva mundufu idzi, uyewo mhemberero dzeIndependence.

Mukwende haaiziva kuti kubuda muZanu-PF nokuve nebato rako, kunoita kuti vanhu vangorasa tsika namagariro anove ndiwo akamisa nyika. Vanhu vane chokwadi kuti vave kubata maoko paWhatsApp, Facebook, mbozhanhare nemapepanhau, kunge zvinonzi vakaenda mhiri kwamakungwa? Kana vari mhiri vakauya wani kuviga vafi?

Ndiko kunonzi kudada kwavari mugomo.

Vanhu vakateya nzeve vachidawo kuona vatungamiri vamapato anopikisa vanosanganisira Cde Joice Teurai Ropa Mujuru veZimbabwe People First, Cde Dumiso Dabengwa veZapu, VaMorgan Tsvangirai veMDC-T, VaTendai Biti vePeople’s Democratic Party, Muzvinafundo Welshman Ncube veMDC, vachibatana nemhuri dziri kuchema – kusvika kudzimba kubata maoko, kana kuenda kunovaviga.

Pamwe vakange variko, vatori venhau vakashaya hanya nazvo. Sezvo tisina kunzwa nezvazvo takangoti, asi chii nhai? Kana rufu chairwo vanhu mobva matadza kubatana maoko, movabatira mumapenhau?

Ndongotora Mai Chitepo. Zvese zvavakasangana nazvo kubva pavakawanikwa naCde Herbert Chitepo, vakazove sachigaro weZANU mugore ra1955, kusvika murume wavo aurawa navavengi kuZambia muna Kurume 1975, tobva tazvikanganwa? Inga vamwe makazoenda kuhondo, asi hwaro hwarongwa nanaCde Chitepo wani?

Zvigaro zvatakave nazvo, uye zvatiinazvo vakazvifira izvi, mukaimba, “VaChitepo kufa vachitaura shuwa, kuti zvino ndofira nyika ino, shoko rimwe ravakatiudza, tora gidi uzvitonge!” Asi nhasi yave pangu, pangu ngoma yechindingoveni.

Hwaro hwavakaumba ndihwo hwamisa Zimbabwe yave namakore 36 okuzvitonga, asi tongozviti nokuti tave namapato anopikisa Zanu-PF, kunyange takamboenda paHeroes Acre kwamakore 35 tichiri mubato riri kutonga, iye zvino hazvichagoni. Veduwe-e!!!

Asi kupikisa bato reZanu-PF zvinoreva kuti vanhu havachabatana maoko, nokudanana? Ko inga vamwe vedu tiri vatendi vechiKristu chinoti, “Chemai nevanochema!”

Ndakatarisawo misoro yenhau mumapepa anoti akazvimirira kubva pakushaya nokuvigwa kwaCde Chitepo, Cde Mwashita naCde Kanengoni, uyewo pakapembererwa Independence, ndikaona chisionekwi umhandara hwaamai.

Musi wa9 Kubvumbi mushure mokushaya kwaMai Chitepo Daily News yaitungamira nemisoro inotevera: “Mugabe mourns Zanu PF demise . . . blames party factional, succession wars for collapse”, nekamwe kadiki: “Victoria Chitepo dies in bathroom”.

Newsday havana kuona senyaya huru, vakatungamira nenyaya ine musoro unoti: “Mutsvangwa dismisses ‘bootlicking apology’ to Mugabe”.

Zuva rachengetedzwa vana Cde Chitepo, ese mapepanhau aive nemisoro yokuti: “War vets want Mugabe to go” (Daily News); “Mugabe must go: War vets” (Newsday). Zvakange zvisinei kuti varwi vorusununguko vakange vasangana naPresident Mugabe musi wa7 Kubvumbi.

Pamwe ndiyo misoro yakapa VaTsvangirai pfungwa yokuti kuti vatonge nyika, vanosungirwa kuratidzira.

Takati zvavasingabati maoko nokuviga mudzimai waCde Chitepo, pamwe vacharatidza vatsigiri vavo kuti kana uchitonga zvinoitwa sei, uyewo kuti zuva reIndependence rakakoshei.

Mapepanhau mamwe chete takanzwa ave kuti: “Mujuru rolls up sleeves” (The Standard, 17 April). Musi weSvondo, Cde Dabengwa vakatuka vamwe vavo vavakarwa navo hondo: “Dabengwa tells vets to ‘go to hang’” (Daily News on Sunday).

Musi weIndependence, Daily News inoti Mai Mujuru vakati, “’Zanu-PF is a dying monster’: Mujuru declares as distressed Zim turns 36.”

Musi wa8 Kubvumbi vanhu vakapemberera Independence, nhandare mumatunhu ese dzikafashukira. Kana kuri kuNational Sports Stadium, takati ko vangodii kuisa maziTV screen panze?

Misoro yemusi wa19 Kubvumbi ndiyo yakapedza Mukwende mate, nokuti yakanyara kutaura kuti vanhu vakaenda kunopemberera Independence nouwandu hwavo.

Zvanzi neNewsday, “Coalition talks gather steam”; iriwo Daily News richiti, “Midlands province haunts Mnangagwa.” Ikodzero yaani nani kuti apemberere Independence kwaanoda, asika, kuenda kana kusaenda kune vamwe sezvinoitwa kune dzimwe nyika kunobatana vanotonga, navatungamiri vamapato anopikisa, hazvirevi kuti zuva racho rinosanduka.

Chero kukanzi vazotongawo, 18 Kubvumbi izuva rakatsidzwa kuti ndiro zuva rakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere, mugore ra1980, uyewo kuti kuzvitonga uku kwakaunzwa nebato reZanu-PF nemauto avo eZanla neZipra akarwisa muvengi. Hazvidzimike!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey