Chembere (62) yaponda murume (81)

14 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Chembere (62) yaponda murume (81) Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHEMBERE ine makore 62 okuberekwa yakasungwa kuDarwendale ichipomerwa mhosva yekuponda murume wayo zvichitevera kusanzwisisana kwakaitika pamusoro penyaya yegumbo mumba gumbo panze nemusi weSvondo wadarika.

Mary Banda anonzi akarwa nemurume wake, Nira Benet (81), uyo akazoshaya zvichitevera kutadza kufema zvakanaka.

Benet akashaya mushure mekuendeswa kuchipatara cheKutama Father O’Hea Memorial Hospital uye nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa zvikazoita kuti Banda asungwe.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“ZRP inotsinhira kusungwa kwaMary Banda ane makore 62 okuberekwa nemhosva yehumhondi yakaitika kuVirginia Farm, Darwendale, nemusi wa6 Mbudzi 2022, apo musungwa akarwa nemurume wake, Nira Benet ane makore 81, mushure mekusanzwisisana pamusoro pekusavimbika muwanano yavo.

“Murume uyu, uyo ainetsekana nekufema, akamhanyiswa kuchipatara cheFather O’Hea, uko akanzi ashaya achangosvika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links