Chembere (73) vekufirwa vochengetwa nevatorwa

07 Aug, 2024 - 09:08 0 Views
Chembere (73) vekufirwa vochengetwa nevatorwa Gogo Agness Mazire.jpg

Kingstone Mapupu

CHEMBERE ine makore 73 ekuberekwa yava kuchengetwa nevatorwa paPlot 35 kupurazi reSuffron riri kumakomo eNharira, kuNorton, nechikonzero chekufirwa nevana.

Gogo Agness Mazire vanoti kumusha kwavo kudunhu raMambo Nyika, kuMhondoro-Ngezi.

Vaimbenge vakaroorwa kwaChikowore, kwaChivero, kuMhondoro kwakare, ndokuzorambwa nemurume mugore ra1973.

Mbuya Mazire vanoti vapinzwa mudambudziko iri nerufu sezvo vana vavo vatatu vakafa ndokusara nemumwe chete.

“Ndakabereka vana vangu vana, vatatu vavo vanosanganisira vakomana vaviri nemusikana mumwe chete ndokufa vachitevedzana kuita sevanopfurwa nepfuti. Ndakazotanga kugara muNorton ndokuzoenda kupurazi rePorta uko vamwe vakazopihwa masitendi ekuvaka dzimba ini ndikatadza semunhu aiva muchipatara,” vanodaro Mbuya Mazire.

Vanoti vakadzokera kunogara kuNorton vachiroja kusvikira hurwere hwagodza ndokuzotadza kuenderera mberi nebasa ravaiita rekuredza hove vachitengesa.

“Hurwere huri pandiri hauchandipa simba rekuramba ndichizvishandira saka ndakazobva kuNorton ndokuuya pano pandinochengetwa pamusha waMurehwa kuno kuNharira, ndichiwaniswa zvose. Asi ndava kuda kuenda kumusha kwevabereki vangu kuMhondoro-Ngezi kune vanin’ina vangu vaviri manyambiri kuti vanondichengeta,” vanodaro.

Gogo Mazire vanoti vari kuchengetwawo pamwe chete nevazukuru vavo vatatu panzvimbo imwe chete iyi.

“Vazukuru vangu vatatu ndidzo nherera dzandakasiirwa nevana vangu vakashaika avo vandakauya navo pano pandinochengetwa. Vaviri vakapedza chikoro, mudiki ane makore 13 okuberekwa ndiye achiri kuda kubatsirwa sezvo achipinda chikoro.

“Midziyo yangu yose ndakauya nayo pano pandinochengetwa kubva mugore ra2021 zvino ndinoona kuti ndavaremedza kwenguva refu saka ndava kuda kuenda kumusha kwangu.”

Mimwe midziyo yaMbuya Agness Mazire

Mbuya Mazire vanoti mari yekunorapwa kuchipatara semunhu anorwara havana uyewo neyekutakurisa midziyo yavo kuenda kumusha.

“Ndinochemawo kune vane tsiye nyoro vandibatsire nerori rekutakurisa zvinhu kuenda kumusha kunogara vanin’ina vangu. Baba naamai vangu vakashaika kare saka ndati ndikafira pano ndinoremedza vanondichengeta kuti vazondiviga nekusara vachichengeta vazukuru vangu. Ndakambowana imwe rori asi iri kuda US$150,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Varidzi vemusha wandinogara havana chakaipa neni asi kune vamwe vava kunditi muroyi munzvimbo ino inova nyaya inondirwadza saka ndava kuda zvangu kumbosuduruka.”

Vanoti vane chishuwo chekuti muzukuru wavo ari kuita Grade 6 akwanise kuenderera mberi nechikoro.

Kune vanoda kubatsira Gogo Mazire vanovabata panhare dzinoti 0787 864 960.

VaArnold Makurumure (24) munin’ina wevaridzi vepamusha pari kugara Mbuya Mazire vanoti vave nemakore ane chitsama vachichengetwa zvakanaka.

Arnold Makurumure

“Mbuya ava vagara makore mana pano mushure mekuuya vachitsvaga pekupotera vashaya pekugara. Havasi vekutanga kuchengetwa pano, panouya vanhu vakawanda vachitsvaga pekugara vaomerwa nekubhadhara rendi kana kushaya kwekugara. Izvozvi pane vanhu vanodarika 15 vanogara pano vatisina hukama navo,” vanodaro VaMakurumure.

Panyaya yekuti Mbuya Mazire vari kupumhwa huroyi nevamwe vanhu vemunharaunda iyi, VaMakurumure vanoti inyaya inongotaurika asi pasina chinobatika.

“Nyaya iyi inotaurika uye pachimbobvunzwa vacho vanonzi vanozvitaura asi vachizviramba. Ambuya vakataura voga kuti vava kuda kubva kuenda kumusha asi hatina kuvatandanisa, vane mukana wekuramba zvavo vachigara pano,” Vanodaro VaMakurumure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey