Uncategorized

Chembere dzorwira makuhwa

12 Jun, 2019 - 16:06 0 Views
Chembere dzorwira makuhwa

Kwayedza

Ashley Muchamiri
CHEMBERE mbiri idzo dzinova vavakidzani dzakamisidzana mudare nekuda kwekushungurudzana pamusoro penyaya yekuitirana makuhwa.

Betty Muchenje akamhan’arira Beauty Nyatsunga nemuzukuru wake, Shupikai Chibvongodza, kuHarare Civil Court achiti vari kumuonesa pfumvu.

“Vaviri ava ndiambuya nemuzukuru, vanondishurudza vachindindituka nekundinyeya nemadimikira. Kana ndisipo, vanosara vachiuya kumba kwangu vachishungurudza vazukuru vangu zvose nemaroja,” anodaro.

Muchenje anoti Nyatsunga haadi kumuona akamira kana kumhoresana nevanhu panzira.

“Ambuya ava havadi kuti ndiwirirane nevanhu, vakandiona ndichikwazisana nemunhu panzira vanobva vatogamirira nyaya iyoyo ini ndotongonyarara,” anodaro.

Muchenje anoenderera mberi achiti, “Shupikai uyu akaudza mwana wangu makuhwa achiti wakagona pakutsvaga musikana anochengeta mwana wako nekuti amai vako havagone kuchengeta nekubata muzukuru zvakanaka. Anopindira nyaya dzekumba kwangu kuti zvidii?”

Nyatsunga anoudza dare kuti haana chaakatadzirana naMuchenje asi kutoti ndiye ane pamuromo.

“Ini handina chandakatadzirana naambuya ava asi kutoti ndivo vakauya pamba pangu gore rapfuura munaZvita ndokutema muti wangu pachivanze ndisina kutaurirana navo,” anodaro.

Nyatsunga anoti Muchenje anouyawo achiita matare pagedhi pake achideedza nekutongesa vazukuru vake tunyaya twemakuhwa.

“Mukadzi uyu handitsike pamba pake asi kutoti ndiye anouya achitongesa vazukuru vangu makuhwa pagedhi pangu uyezve akauya akarova muzukuru wangu nesimbi, akazomurova nembama izvo takanomhan’ara kumapurisa,” anodaro.

Chibvongodza anotiwo hapana chanotadzira Muchenje asi kuti ndiye anotouya kumba kwake achibvunza nyaya dzemakuhwa.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Muchenje gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>