Uncategorized

Chembere yaedzerwa iri musvo kumakuva

26 Jun, 2022 - 13:06 0 Views
Chembere yaedzerwa iri musvo kumakuva

Kwayedza

Lovemore Kadzura

CHEMBERE ine makore 80 ekuberekwa yekweMambo Makoni kwaRusape inonzi yawanikwa iri musvo kumakuva munguva dzemangwanani uko kwainge kuchangobva kuvigwa mwanasikana wemuvakidzani wayo.

Mbuya Prisca Magondo svondo rapera vakamiswa pamberi pedare raMambo Makoni kuti vatsanangure zvakaitika.
Aka ndekechipiri Mbuya Magondo vachimiswa mudare iri.

Kumakore ekuma2000, vakambobatwa nemhosva yehuroyi mudare rimwe chete iri.

Zvisinei, rwendo rwuno Mbuya Magondo vaudza dare kuti pazuva iri vakarasika njere dzavo zvikaita kuti varare panze husiku hwose ndokuzopatika vave kumakuva uku.

Muvakidzani wavo, VaMalvern Nyamukomba, vanoti vakawana Mbuya Magondo vakarara pasi vari musvo munzira inoenda kumakuva uko vakaviga mwanasikana wavo zuva rainge radarika.

“Tapedza kuviga mwana wangu, takazodzokera kumarinda tichiita zvechivanhu mangwanani ezuva rakatevera racho. Mamita mashoma kubva paguva, takarohwa nehana tichiona Gogo Magondo vakarara ipapo.

“Vainge vakangopfeka pitikoti chete. Takavabvunza vakati vaitsvaga mitsvairo. Zvisinei, pakanga pasina zviratidzo zvekuti guva rakanga ratambwa naro.

“Takazivisa hama yaGogo Magondo uyo akazovaunzira mbatya dzavo,” vanodaro VaNyamukomba.

Vanoti vakazosvitsa nyaya iyi kuna sabhuku wavo uyo akavakurudzira kuti vaende kudare raMambo Makoni.
Kunyangwe zvazvo mudare iri Mbuya Magondo vakaramba vachiti vainge varasika njere, vakabatwa nemhosva uye hama dzavo dzikanzi dziite mutambo wekuvachenura.

“Magwaro edu anoratidza kuti aka ndekechipiri kumiswa pamberi pedare rino muchipomerwa mhosva dzehuroyi. Hamusi kushandura maitiro enyu zvachose. Munofanira kuitirwa mutambo wekuchenurwa,” rinodaro dare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey