Uncategorized

Chembere yakavigwa kaviri

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Chembere yakavigwa kaviri Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUTUMBI wechembere yakafa nekurwara kuEpworth unonzi wakazovigwa kaviri svondo rakapera mushure mekunge hama dzemufi dzisina kugutsikana nekubatwa-batwa kwainge kwaitwa guva nevanhu vasina kuzivikanwa apo vakazowirirana kuti vafukunure guva iri vaone kuti mushakabvu aivemo here.

Mbuya Josphine Chihota (85) vanonzi vakashaika mushure mekurwara kwenguva pfupi, mutumbi wavo ukanovigwa kumakuva ePioneer Cemetery ari kuEpworth Mission.

Vehukama vanonzi vakazomukira zuva rechimangwana vabva kuviga mushakabvu ndokuwana guva rakatambwa-tambwa naro.

Mai Tsitsi Samukange (65) vanove mwanasikana wemufi vanotsinhira nyaya iyi.

“Ini handigare kuno kuEpworth, kwangu kumba kuAvondale asi pano pamba paamai vangu. Ndakashevedzwa ndichinzi amai varwara ndikatsvaga amburenzi asi yakasvika amai vafa. Takaita zvose zvaidiwa pamufi, tikavaviga zvine mutsigo,” vanodaro Mai Samukange.

Vanoti vaviga amai vavo, vakazomukira kunoona kuguva rava zuva remangwana acho, nemusi weMuvhuro wakadarika, vaine hama dzepedyo apo vasina kugutsikana nemamiriro ainge akaita paguva iri.

Vanoti vakaona paguva apa pakatsikwa-tsikwa neshangu dzevanhu, guva rainge radhirika kuita sepacherwa uyewo paiswa bhasikiti remaruva matsaru airatidza kuti aiva abviswa pane rimwe guva.

“Seni mwana woga ari muno muZimbabwe pavanasikana vana nemukomana mumwe chete, ndakazozivisa vamwe vari kunze nezvataiva taona. Takawirirana kuti rifukunurwe kuti tione kuti maiva nechiiko asi chakatinetsa ndechekuti mumakuva umu munokiiwa. Nekuda kwezvatakaona izvi, takazoenda kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuno kuEpworth tikabvumirwa kuti tifukunure guva,” vanodaro Mai Samukange.

Vanoti vakafukunura guva iri vaine fungidziro yekuti pane vanhu vaida kuba bhokisi remufi kana kuita zvimwe kusanganisira kuba nhengo dzemutumbi, izvo vanoti vakazowana zvisirizvo.

“Takafukunura mapurisa aripo kunosvika pabhokisi tikawana pasina chakaipa. Girazi rebhokisi iri takawana riripo tikatoona mutumbi waamai usina chakaipa.”

Mai Samukange vanoti vamwe vanhu vaipa pfungwa dzakasiyana pachiitiko ichi vachiti mabasa evaroyi uyewo mutumbi wakanga wakatoendwa nawo kuburikidza nemishonga.

“Takachera tikapedza asi hapana chakaipa chatakaona, casket raiva risina kana kubatwa. Tagutsikana, takagadzirisa zvakare bhokisi redu tikatsvaga mamwe matombo tikafushura guva iri patsva,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nyaya yekufukunurwa kwemutumbi uyu vachiti zvakaitwa kuchitevedzwa mutemo.

“Ichokwadi, kuEpworth kune mhuri isina kunge yagutsikana nezvavakaona paguva rehama yavo apo vakamukirako.

“Vakazonyorera kwatiri kuti vaida kuti vafukunure vakabvumidzwa kuchitevedzwa mitemo yenyika kusvikira vafukunura mutumbi uyu vakauviga zvakare mushure mekugutsikana nezvavakaona,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey