Uncategorized

Chembere yoshaikwa, bere rorutsa imvi: Bembera padare

05 Mar, 2020 - 10:03 0 Views
Chembere yoshaikwa, bere rorutsa imvi: Bembera padare Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

Kazhinji kana pashaikwa chinhu, vanhu vanotarisa kuti hunhu hwemunhu pamwe nemagariro ake asanduka here. Izvi zvinobatsira kuti vanhu vaone kuti pane hukama here pakushaikwa kwechinhu nek- usanduka kwehunhu hwemu- nhuyo.

Tsvagurudzo iyi inobatsira kusapomera mhosva munhu asiriye. Inobatsirazve kuti

munhu ari kuramba nyaya yake aonekwe kuti ndiye chaiye akaipara nokuti munongedzo wose unoramba uri paari.

Kakawanda kuti amai vanoona tsvigiri (shuga) kana dovi rashomeka asi vana vose voramba kuti havana kutora tsvigiri kana dovi riri kushaikwa. Izvi zvinoratidza pachena kuti vakuru vedu vekare vaipepeta nyaya muzvirokwazvo vasati vapa munhu mhosva.

Matare edzimhosva muZim- babwe nepasi rose vanoshan- disa muitiro mumwe chetewo pakupepeta nyaya.

Sevana vaba shuga kana dovi mumba, asi vose vachi- ramba, zvozobuda pachena kuti mumwe wavo akanunira pamuromo nedovi kana nets-

vigiri. Zvinoratidza kuti kun- unira pamuromo kwemwana kwamutengesa kuna amai, mwana obva apihwa chirango chake chinoenderana neku- tadza kwake mukutora zvisiri zvake.

Apa mwana atora zveru- zhinji rwemhuri, zvichida gumi revanhu pamusha uyu.

Muenzaniso uyu wemwana atora chekudya cheveruzhinji rwemhuri unogona kukwir- idzirwa kusvika pachinhanho cheimwe mhuri yakaita sekam- bani inogona kuita vanhu van- gaite zviuru zvitatu (3 000) kana kudarika, poitazve mumwe mumhuri yekambani iyi ano- tora zvinhu zveruzhinji rwem- huri ari oga kana kuti vafurirana vari vashoma – voba zvakare

pfuma yekambani iyo yavaifan- ira kugovana neruzhinji rwem- huri. Vanhu vangatambudzike kuti zvino atora pfuma yekam- banindianinokutihaichakwana kuti munhu wose awane chi- dimu chake.

Vanhu vanotanga kutarisa kuti anunira pamuromo ndi- ani pamhuri yekambani. Izvi hazvinetse kuona nokuti atora zvinhu anotanga kuratidza hunhu hwake kuti vanhu vamuone kuti ane zvinhu zvake. Anochinja motokari kunge mbatya, anovaka imba yevana vaviri yakakura sechipatara chinokwana vanhu chiuru, anokwira ndege svondo rega- rega seanokwira bhazi kuenda kwaMuzarabani iye achienda mhiri kwemakungwa.

Anozvishongedza nembatya dzemutupo nemhete kana ndarira dzinodhura kudarika dzimba shanu dzekuBorrow- dale, anoendesa vana kuz- vikoro zvinodhura asi iye basa rake risingape mari yakawanda kudaro. Anopfeka shangu inod- hura kudarika motokari.

Kana ari uya ari muhuru- mende, anoendazve mberi mukutora zveruzhinji rweny- ika yose semafetireza seanopa varimi zvekushandisa nguva yekushaikwa kwemvura yemudenga, nyambisirwa iye achizvipa zvake kushamwari dzake. Mhedzisiro, anozoteng- esera vanhu mbeu nefetirezayo, wanikwe nyika iri kukwereta zvekudya asi pari kunzi vanhu vakapihwa zvekushndisa

mukurima.

CHENJEDZO

Paitika nyaya pose, ngati- tarire vana mumhuri yedu, mukambani, kana munyika kuti anunira pamuromo ndi- ani, zvichida ndiye atora zvinhu zveruzhinji. Mutsauko uri apa chete ndewekuti atora dzimwe nguva haatsiurike. Dare rino rinoti pashaikwa chembere tinoona mumarutsi kuti ndiwe bere wadya chembere.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Manage- ment; M B A Corporate Strategy and Economic Policy; ne B A English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey