‘Chengetedzai goho kubva kuhudyi’

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Chengetedzai goho kubva kuhudyi’ MaMetal silo ayo ari kukurudzirwa kuti varimi vashandise senzira yekuchengetedza goho ravo kubva kuhudyi hunosanganisira zvipfukuto

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vokurudzirwa kuti vachengetedze goho ravo remwaka wadarika zvine hungwaru senzira yekuderedza nzara nehurombo munyika.

Mashoko aya akataurwa naProfessor Brighton Mvumi vanova head wechikamu cheSoil Science and Agricultural Engineering kuUniversity of Zimbabwe kuMbire, kuMashonaland Central pachirongwa chekukurudzirwa kuchengetedzwa kwegoho pachishandiswa nzira dzakadai semishonga inouraya twumbuyu nezvipfukuto uye masaga anorwisa zvipfukuto (hermatic grain bags) pamwe nematura esimbi (metal silos).

Prof Mvumi vanoti ibasa remurimi wese kuona kuti goho rake rakachengetedza kubva kuzvipfukuto senzira yekurwisa nzara.

“Mudunhu rino reMbire, mvura inonaya nehuwandu hwayo asi tinoramba tichisangana nedambudziko renzara zvinopa mutoro kuHurumende apo inenge yava nebasa rekubatsira vanhu nechikafu. Murimi anotanga kurasikirwa negoho rake richiri mumunda pakukohwa, kupura neparinozoiswa mudura saka varimi vadiki vazhinji havazvitarisi izvozvo asi vanozongoerekana vatova munzara,” vanodaro.

Vanoti varimi vadiki vakawanda havasati vava neruzivo rwakakwana maringe nekuchengetedza goho nenzira isingakanganisi nharaunda.

“Kune mimwe mishonga inoshandiswa mukuchengetedza goho yakadai semapiritsi ayo anouraya makonzo nezvipfukuto asi achikanganisa nharaunda pamwe nekuuraya vanhu chaiko. Ndiko kusaka tiri kutsvaga  dzimwe nzira dzakareruka uye dzakanakira nharaunda yedu dzekushandiswa kwemasaga emahermatic bags anova anobvisa mhepo iyo inoita kuti zvipfukuto zvirarame uye matura esimbi. Kana varimi vasina ruzivo vanogona kushandisa mimwe mishonga inozova njodzi kuupenyu hwavo,” vanodaro.

Prof Mvumi vanoti Zimbabwe ine mikana yekuchengetedza zviuru nezviuru zvemadhora kana ikagona kuchengetedza goho rayo zvine ungwaru.

VaCharles Musari vanova director of technology transfer kubazi rezvedzidzo yepamusoro vanoti zvinhu zvinorwadza kuti varimi vazhinji vari kurasikirwa nemari inodarika $259 patani rega-rega rechibage nepamusaka pekukundikana kuchengetedza goho kubva kuzvipfukuto uye humwe hudyi hwakadai semakonzo.

“Tinokurudzira varimi kuti vashandise ruzivo rwechizvino-zvino rwavari kuunzirwa neveUZ nekuti rwunobatsira kuti vakwanise kubura mari zhinji apo vanonotengesa chibage chavo kudura guru reGrain Marketing Board (GMB). Zvipfukuto zvinoderedza hunaku uye huwandu hwegoho,”  vanodaro.

Mai Mucharwei Mashapure (47) vanove mumwe wevarimi vekuMbire vanoti vanotenda zvikuru dzidziso yavakawaniswa yekuchengetedza goho ravo kuti risaparadzwe nehudyi.

“Tine mamwe mapiritsi ayo taiisa mudzimba umo tinochengetera goho tisingazive kuti anouraya vanhu nekufamba kwenguva nekuti anopedza mweya wekufema. Tava kushandisa mahermatic bags nematura esimbi uye nemishonga chaiyo inenge yakagadzirwa nenyanzvi isingakanganisi nharaunda. Tave kuziva kuti pakukohwa tinofanira kushandisa nzira dzinoita kuti goho risarasike,” vanodaro.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reAgroZ Moira Kawesa neGrainPro avo vari kupa varimi masaga emhando yemahermatic bags pachena uye masaga aya anoshanda kwemakore matatu.

Zvakaonekwa zvakare kuti pachine mukaha mukuru kuvarimi vadiki maringe neruzivo rwekuchengetedza goho izvo zviri kuita kuti varasikirwe zvikuru.

Ongororo yakaitwa neUniversity of Zimbabwe Department of Soil Science and Agricultural Engineering inoratidza kuti muZimbabwe varimi vari kurasikirwa nechikamu che18,5 percent chegoho kureva kuti $259 patani.

Varimi vemapfunde vanonzi vari kurasikirwa nechikamu che12,5 percent inove $175 patani. Kusanduka kwemamiriro ekunze ndiko kumwe kuri kuonekwa kuchibatsira mukurasikirwa kwevarimi negoho zvichikonzerwa nekupisa kwakanyanya uko kunobatsira kuti zvipfukuto netwumwe tumbuyu zviberekane zvakanyanya. Kusachengetedzwa kwakanaka kwegoho munyika kunokanganisa zvinangwa zvegore ra2030 izvo zvine donzvo rekurwisa nzara nehurombo. Zimbabwe inoda matani 1,8 miriyoni echibage chekudya kwevanhu uye zvipfuyo pagore.

Share This:

Sponsored Links