Chenjedzo kuvarimi venyuchi

06 May, 2021 - 13:05 0 Views
Chenjedzo kuvarimi venyuchi

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MURIMISI uye murimi wenyuchi, VaAnderson Chibatauta, vanoti vari mubhizimisi rezvekuchengeta nyuchi vanofanira kungwarira tupukanana (hive beetles) utwo tunodya mazinga enyuchi sezvo izvi zvichikanganisa huwandu hwehuchi uye kuti dzisahugadzira zvakanaka.

VaChibatauta vanoti varimi vanofanira kupota vachiongorora mikoko yavo vachiona kuti tupukana utwu hatupinde here.

“Mahive beetles anofanira kugara achiongororwa zvakanyanya nevarimi venyuchi nekuti tupukanana utwu tunodzorera murimi kumashure. Kune mhando mbiri dzetupukanana utwu, kune tuhombe netudiki asi tuhombe nditwo tunonyanya kukanganisa nyuchi.

“Varimi vakaona tupukanana utwu vanofanira kutuuraya kana kubvisa vachirasa kure asi tune mukana wekudzoka kana tukarasirwa kure nekuti tunobhururuka,” vanodaro VaChibatauta.

Vanoti imwe nzira yekuderedza tupukanana utwu kuti tusapinde mumikoko ndeyekugadzira maburi madiki pamukoko anokwana nyuchi chete sezvo twakakura kudzidarika.

Vanoti vari mubishi kuita tsvagurudzo yedzimwe nzira dzekuti mahive beetles asanyanye kudya mazinga ehuchi.

Share This:

Sponsored Links