Chenjererai ‘maporofita’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru, yevanhu vaviri avo vakafa kuBuhera mushure mekunge vabaiwa majekiseni emushonga usati wave kuzivikanwa nemumwe murume anozviti muporofita uyo aiti aivabatsira pamatambudziko avo.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi vaviri ava mumwe airwara nemusana nemakumbo kwemakore 20 uye paakaenda kumuporofita uyu akasvikobaiwa majekiseni anokwana 17 pazuva rimwechete.

Mushakabvu wechipiri anonzi akaenda kumuporofita uyu apo aida kurapwa makumbo ake ainge achimutambudza kwemakore mashanu.

Anonzi akabaiwa majekiseni 15 aiva nemishonga yechivanhu senzira yekurapwa makumbo ake.

Asi, hurwere hwake hwakabva kwakomba achibva ashaya achangosvika pamba pake. Muporofita uyu, mushure mekunge aona kuti aparamura mhosva, akabva atsakatika kubva munzvimbo iyi uye pari zvino mapurisa ari kumutsvaga nemeso matsvuku.

Svondo rapera, Kwayedza yakabuditsa zvakare imwe nyaya yevamwe amai nemwanasikana wavo vange vachigara Kensington Plots, chinhambwe chiduku kubva muguta reBulawayo, avo vose vakashaya zvichitevera kupihwa kwavanonzi vakaitwa muteuro weraki nemumwe muporofita weko.

Amai nemwana ava vanonzi vakafa mushure memaminitsi mashoma-shoma vabva mukunwa muteuro uyu.

Vaviri ava vanonzi vakapihwa muteuro waive wakasanganiswa kadombo kerudzi rwe’blue’ (bluestone), gavakava nemaremani.

Kune vanhu vane chitsama vafa munyika muno mushure mekunge vanwiswa ungave muteyo nanaTsikamutanda kana kuti muteuro nemaporofita.

Munyaya yekuBuhera, vaviri vakafa ava vakange vave kusvika pakukwegura sezvo mumwe ange ave nemakore 57 okuberekwa uye mumwe aine 51. Zvirwere zvaivatambudza sekurwadziwa nemusana nemakumbo zvakaita kuti vaende kunobatsirwa nemuporofita uyu zvinowanikwa kuvanhu vanenge vave kugwegura zvekuti vaifanira kunotsvaga rubatsiro kuchipatara.

Kunyangwe munhu akaenda kunorapwa kuchipatara, hazvisati zvamboitika kuti anobaiwa majekiseni anosvika 17 kana 15 pazuva rimwe chete. Kana dai arware zvakadii, izvi hazviitwe!

Muporofita akavabaya majekiseni uyu haana kumbobvira adzidziswa sezvinoitwa vanamukoti kuti munhu anobaiwa sei majekiseni.

Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu nenzira dzakadai. Zvakaitwa nemuporofita uyu hazvina kumbosiyana nemunhu anoita dambe neupenyu hwevanhu.

Nyaya iyi pamwe chete neyemudzimai akafa nemwanasikana wake vapihwa muteuro weraki, kunyangwe dzichisuwisa zvikuru, dzinofanira kupa chidzidzo kune veruzhinji kuti vasavimbe nen’anga kana nemaporofita pose-pose. Kana munhu achinge arwara, ngaaende kuchipatara kana kukiriniki onobatsirwa nevakadzidzira basa rekurapa.

Iko kuwanda kwaitawo maporofita mazuva ano kunotokahadzisa. Apa vazhinji vacho magevha ekupedzesera avo vakamirira kurozva vanhu upfumi nezvimwe zvinhu zvavo.

Zviri pachena kuti panoda kutorwa matanho akasimba ekuranga maporofita kana n’anga dzinokonzera kufa kwevanhu vavanenge vachiti vari kubatsira. Upenyu hunokosha nekudaro hunofanira kuchengetedzwa, kwete kuitwa zvedambe naho.

Vanhu ava havasi maporofita asi kuti “maporofita”, kureva kuti ndevenhema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey