Uncategorized

Chenjererai njodzi: CPU

13 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Chenjererai  njodzi: CPU VaNathan Nkomo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika reCivil Protection Unit (CPU) rinoti ratanga gadziriro dzekuzodzivirira dambudziko remafashamu pamwe nechirwere cheCovid-19 zvichitevera yambiro yenyanzvi dzezvemamiriro ekunze inoti Zimbabwe inogona kunaya mvura yakawanda mwaka watava kupinda.

Muhurukuro neKwayedza, VaNathan Nkomo vanova mukuru weCPU vanoti sezvo nyika yatarisana nemwaka wemvura yakawanda, bazi ravo rakatotanga kuita gadziriro dzekurwisa njodzi dzinogona kuwira veruzhinji.

“Meteorological Services Department (MSD) yakatozivisa kuti mwaka uri kutevera mvura ichanaya zvakapfurikidza mwero. Saka panoda gadziriro yakasimba, zvikuru kana takatarisa kuti gore rino zvekare nyika yakakomberedzwa nedenda reCovid-19.

“Kureva kuti kana paitika mafashamu, pachange pachibviswa mhuri dzichiendeswa kunzvimbo dzakanaka dzekufanogara. Izvi zvinoreva kuti kuvepo kwechirwere cheCovid-19 hatifanirwi kuzvibvisa mupfungwa nekuti paya panoungana vanhu mikana yekuti chipararire inogona kukura.

“Saka tiri kugadzirira kuti vanhu vawaniswe dzimba dzakawanda kuitira kuti pasazova nenyaya dzekuungana,” vanodaro.

VaNkomo vanoenderera mberi vachiti, “Makambani nevamwe vakazvimiririra vari kutsigira nemidziyo yekuzoshandisa kana pachinge paita tsaona dzemhando iyi. Chinangwa ndechekuti vanhu vange vachiwaniswa mvura yakachena, pekugara pakaringana, chikafu, mbatya uye midziyo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 yakadai semamasiki, masanitizer nekuona zvekare kuti vadzivirirwa kuCovid-19 kuburikidza nekubaiwa majekiseni, pakati pezvimwe.”

Vanoti kune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika dzinosangana nedambudziko remafashamu kana mvura ikanaya yakawandisa.

“Kune vanhu vari kugara munzvimbo dzakadedera uye vamwe vari mumatoro saka Hurumende ine hurongwa hwekuti vabviswe vachivakirwa dzimba dzakanaka kunzvimbo dzisingaise upenyu hwavo panjodzi. Tine midziyo yakawanda yatiri kutsigirwa nayo kubva kumapoka akasiyana iyo tichagovera kune vanhu vanenge vawirwa netsekwende zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze,” vanodaro VaNkomo.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaterere yambiro yavanopihwa maringe nenjodzi dzakasiyana dzinogona kuvawira, zvikuru dzine chekuita nemafashamu.

“Veruzhiji tinovakurudzira kuti vaterere zvinotaurwa pamaredhiyo, terevhizheni nedzimwe nzira dzinoshandiswa kupa yambiro kuvanhu. Vanhu havafanire kuramba kuterera yambiro nekutyira pfuma kana makuva ehama dzavo nekuti upenyu ndihwo hwakakosha.

“Tiri mushishi kuunganidza mari yekuti dzimba dzinozogara vanhu vane chirwere cheCovid-19 (munzvimbo dzinowanzoita dambudziko remafashamu) dzivakwe uye tinofara kuti dambudziko rekushaikwa kwemafuta edzimotokari iro raimbodzorera mabasa edu kumashure rakatogadziriswa,” vanodaro.

Zimbabwe mugore ra2019 yakasangana nemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai izvo zvakaona vamwe vanhu vachirasikirwa neupenyu uye zvivakwa zvichiparadzwa kunzvimbo dzinosanganisira Chimanimani neChipinge kudunhu reManicaland.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey