Chess yotambwa padandemudande

12 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Chess  yotambwa padandemudande Thabo Elisha

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vechess vemuno vakaremara mitezo vachakwikwidza mumutambo wavo wekutanga weInternational Chess Federation Online Olympiad vachitamba kuburikidza nedandemudande (online).

Mitambo yechess haina kumbobvira yakanganiswa nekumiswa kwakamboitwa mimwe mitambo pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Sangano reWorld Chess Federation rakatanga kufambidzana nenguva kare izvo zvakaona mitambo ichitambwa kuburikidza nedandemutande.

Mutambo uyu uchatanga musi wa27 Mbudzi uye uchatambwa kwemasvondo matatu.

Zvikwata zvichakwikwidza mumutambo uyu zvichabva muAfrica, Europe, Asia nekuAmerica.

Zimbabwe ichange ichimirirwa nevatambi vana vanoti Tapiwa Gora, Chikafu Onai, Natasha Shonhiwa naTafadzwa Mashonganyika.

Mutauriri weZimbabwe Chess Federation, Thabo Elisha anoti mutambo uyu wakakosha zvikuru kune vatambi vemuno sezvo uchavabatsira nekuvawanisa mikana yakasiyana.

MuAfrica, Zimbabwe iri muboka rinonzi Zone 4.5 umo mune zvikwata zvakawanda asi kubva muboka iri nyika ino neZambia chete ndizvo zvakakwanisa kubudirira kuti zvigokwikwidza mumitambo iyi.

“Tiri kutarisira zvikuru kuti vatambi vedu vagokwikwidza mumitambo iyi uye tinoda chaizvo kuti vagohwina.

“Chess yange ichingotambwa zvayo, haina kunyanyokanganiswa nekuda kwelockdown sezvo taikwidza padandemutande nekudaro mutambo uyu uchatotambirwa padandemutande. Ndizvo zvakanakira chess nekuti mumwe anotambira ari kunyika yake mumwe ari kwaari, hapana chikonzero chekuti musangane sezvinoitwa mune mimwe mitambo,” anodaro Elisha.

Vatambi vemuno vachange vachitambira vari pamahofisi eZimbabwe Chess Federation ayo ari paJoina City muguta reHarare.

Shasha dzichahwina pamutambo uyu dzichawana  menduru nemimwe mibairo yakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>