Chess yotambwa padandemutande

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Chess yotambwa padandemutande Thabo Elisha

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Chess Federation (ZCF) rinoti riri pakati pekuronga kuti mutambo uyu uitwe kuburikidza nedandemutande munyika muno zvichitevera kunyuka kepiri kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri weZCF, Thabo Elisha, anoti vane hurongwa hwekuti chess itambwe kuburikidza nedandemutande kumapurovhinzi akasiyana enyika sezvo pari zvino vanhu vasiri kutenderwa kuungana nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

Elisha anoti vakadzidza kubva kumutambo weInternational Chess Federation Online Olympiad, uyo wakaitwa gore rapera, izvo zvakaona vatambi vemuno vachikwikwidza mumutambo uyu padandemutambe.

Anoti chess haina basa nekuti vanhu vaungane izvo zvagara zvisiri kutodiwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Chess mutambo wakasiyana nemimwe mitambo nekuti haina basa nekuti vanhu vaungana here kana kuti kwete uye vanhu havambofe vakagumhana, vanenge vachingokwikwidza pabhodhi remutambo uyu.
“Saka zvinogona kurongeka kuti mitambo yacho itambwe padandemutande vatambi vari kudzimba dzavo.

“Mwedzi yadarika, tine vatambi vedu vakakwikwidza mumutambo weInternational Chess Federation Online Olympiad saka isu ndiro gwara ratiri kuda kufamba narowo,” anodaro Elisha.

Apo vachiri kuronga kudzosa mutambo uyu, Elisha anoti mumasvondo maviri anotevera ndipo vachange vave negwara chairo ravachafamba naro.

“Iye zvino tiri pakati pekuronga kuti tozvifambisa sei sezvo izvi tiri kutotangawo kuzviunza muno,” anodaro Elisha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>