Chevrons, Ireland zvotatsurana

23 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Chevrons, Ireland zvotatsurana MaChevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons, svondo rino chiri kubandana neIreland mumitambo yeOne Day International.

Zvikwata zviviri izvi svondo radarika zvakatamba mitambo yeTwenty20 International Series iyo yakahwinwa nemaChevrons 2-1.

Mumitambo yeT20, maChevrons akahwina wekutanga, Ireland ndokuzohwina wechipiri uye maChevrons akahwina wechitatu uyo wakaaona achisimudza mukombe weT20.

Svondo rino, zvikwata izvi zviri kutatsurana mumitambo yeODI kunhandare yeHarare Sports Club. Mutambo wekutanga uri kutambwa nemusi weChitatu, wechipiri nemusi weMugovera uye wekupedzisira nemusi weMuvhuro (23 Ndira).

MaChevrons anotofanira kukunya dzisimbe kuti akunde mumutambo weODI uyu obva ahwina series yese inoti yeT20 neODI.

Achipedza kubandana neIreland, maChevrons haasi kumbozorora sezvo ari kubva atanga gadziriro dzekusangana neWest Indies mwedzi unotevera mumitambo miviri yetest match kuQueens Sports Club kuBulawayo.

Director wecricket kuZimbabwe Cricket (ZC) — Hamilton Masakadza — anoti nguva yange yareba chikwata chavo chisina kumbotamba mitambo yetest match.

Anoti vakagadzirira kusangana neWest Indies uye chikwata chavo chinoda kuhwina mutambo uyu.

“Tine mufaro kukuzivisai kuti tichashanyirwa neWest Indies iyo yatichatamba nayo mitambo miviri yetest match kuBulawayo.

“Kunyangwe hazvo nguva yange yareba tisina kumbotamba mitambo yetest match, vakomana vedu vachange vaine hukasha vakagadzirira kutamba mitambo iyi. Ndinovimba kuti mumwe mutambo mukuru nechimwe chikwata chikuru uri kurongwa,” anodaro Masakadza.

Zvikwata zviviri izvi zvakapedzisira kusangana mumitambo yetest match series mugore ra2017 iyo yakapera iri mangange.

Asi, mutambo wakazopihwa West Indies kuti yahwina sezvo yainge yakakunda mutambo wekutanga ne117 runs.

MaChevrons akapedzisira kutamba mutambo wetest match mugore ra2021 apo akasangana neBangladesh muHarare.

 

Share This:

Sponsored Links