Uncategorized

Chi-town Trade Fair yatanga

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Chi-town Trade Fair yatanga VaTafadzwa Rungwende

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reChitungwiza Publicity Association nemusi weChina chino richatsigira chirongwa chekuratidzira mabasa akasiyana anokwezva vatsigiri vemuno nevekunze kuti vave nekudyidzana nenyika ino munyaya dzekusimudzirwa kwemabhizimusi neupfumi.

Chirongwa cheChitungwiza Trade Fair, chichaitwa kubva musi waKurume 28 kusvika 30 paTown Centre Grounds, kuChitungwiza.

VaTafadzwa Rungwende, avo vanova murongi (event executive) kusangano iri, vanoti chinangwa chavo ndechekushambaza dhorobha reChitungwiza kuti rizivikanwe kuti rakazarura misuwo yaro munyaya dzemabhizimusi.

“Vakafanobata chigaro chamayor weChitungwiza, VaLovemore Maiko, ndivo vachava muyenzi mukuru uye vachauya neChishanu kuzoparura chirongwa ichi zviri pamutemo. Tiri kutarisa vemakambani ari muno nekune mamwe matunhu kuti vacharatidzira mabasa avo, chinangwa chiri chekuvhura mamwe mabhizimusi matsva muno uye kutsigira agara arimo. Tinovimba kuti vanhu vachadzidza zvakawanda,” vanodaro.

VaRungwende vanoti musi wegungano iri panguva imwe cheteyo, pachaitwa chirongwa cheBreakfast Meeting apo pachava nehurukuro dzekukwezva vemabhizimusi muChitungwiza pasi pedingindira rinoti “Chitungwiza Yakazaruka Kumabhizimusi”.

Vachange vachiratidzira mabasa avo pazuva iri vanosanganisira Zimbabwe Open University (ZOU), Nyaradzo Group, FBC Bank, Trust Academy, Zimbabwe Tourism Authority (ZTA) neArtlan Events.

Share This:

Sponsored Links