Uncategorized

CHI-TOWN YOITA KUNGE RUZEVHA . . . Mwedzi misere kusina mvura

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
CHI-TOWN YOITA KUNGE RUZEVHA . . . Mwedzi misere kusina mvura Vanhu vachichera mvura pachibhorani chekuUnit O

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vemuChitungwiza vanoti vaomerwa neupenyu zvichitevera kunetsa kwemvura zvekuti vamwe vasvitsa mwedzi misere vasina mvura yemupombi izvo zvava kuvatuma kunwa yemumatsime nemunzizi iyo isina kuchena zvichivasiya vari panyatwa yekubatwa nezvirwere.

Dzimwe nzvimbo dzemudhorobha iri dziri kuwana mvura kamwe chete pasvondo zvinova zvinoisa vanhu panjodzi yekubatwa nezvirwere zvemanyoka secholera, typhoid nedysentery, pakati pezvimwe.

Vagari vedhorobha iri vanoti vaya vagere kumaruwa vari nani pane mararamiro avari kuita.

. Magetsi havana, vanobika negasi kana nehuni dzekutenga kana dzavanonotsvaga kumasango ari kure.

. Mvura havana, vanoita yekunochera kurwizi nekumatsime – vamwe vachiita yekutenga kumakoronyera anofambako.

. Mbatya vanonowacha kurwizi sezvinongoitwa nevagere kumaruwa.

. Vamwe vari kurara vari mumitsetse – kuita ma”queue” – ekuchera mvura.

. Hanzi dzimwe nguva pazvibhorani panotobaka zvimbokoma sezvo kuine vamwe vave kuzviita “mamonya” ekutsime.

. Migwagwa yeko inongova makomba makomba – hanzi haisi migwagwa asi kuti dzava nzira.

. Marara haatakurwe sezvinotarisirwa.

. Masuweji anongoyerera mumisha – vana vachibhugujamo.

. Vamwe, kunyanya pwere vave kubatwa nemanyoka.

. Dzimwe dzimba dzinongovakwa pasina kunge pakarongerwa kugarwa.

. Vanhu vari kupiswa, vamwe vachikuvara kana kufa, nerufuse rwunoswerokwata kunzvimbo inorasirwa marara – kwamarabu.

Zvakawandisa.

Asi kanzuru inongovatumira magwaro ekuti vabhadhare mvura isiri kubuda papombi nezvimwe zvisiko semagetsi emumigwagwa.

Nguva pfupi yadarika, kanzuru yeChitungwiza – iyo inova dhorobha rina meya nemakanzura – yakazivisa veruzhinji kuti vachengetedza mvura shoma yavari kuwana panguva iyo iri kuedza kugadzirisa zvimwe zvezvibhorani zvakafa.

Kwayedza svondo rino inobvujunura mararamiro evagari veChitungwiza.

Vatori venhau vanobvakachira kunorasirwa marara, nemisha inosanganisira Zengeza, Unit O, St Mary’s, Unit P, Unit G neRiverside Park ndokuona madzimai nevana vachiwacha, kugeza nekuchera mvura yekunwa muzvitsime zviri mumatoro umo vanoti vari kubhadhariswa zvisinei nekuti mvura iyi yakasviba zvikuru.

KuUnit O, chibhorani chimwe chete ndicho chiri kushanda, zvimwe zvitatu zvinoshandisa magetsi hazvisi kusevenza.

“Tava nemwedzi misere tisina mvura yemupombi, saka tinouya kuno kumatoro tobhadhara varidzi vematsime ari mubani kuti tikwanise kuwacha. Zuva nezuva tinobhadhariswa $5 yekuwacha. Ndipo patinowachira pano pamwe nekuchera mvura yekunwa.

“Sesu tinogara muZengeza 2, uko kune chibhorani chimwe chete uye mvura iri kutotengeswa pachibhorani ipapo – $1 bhaketi.

Patience Nyamweda

“Tiri panguva yakaoma zvekuti vana vanzwa nemanyoka, apa marara haasi kutakurwa,” anodaro Patience Nyamweda.

Chipo Mariga wekuZengeza 2 kwakare anopindira achiti vapfidza nekutengeserwa mvura.

“Kanzuru iri kungoramba ichitumira magwaro emvura anenge aine mari dzakawandisa zvisinei nekuti hatina mvura yacho. Tiri kubirwa pachena, pamusoro pazvo tinotengeserwa mvura yakasviba.

“Zvakatiomera semadzimai, kuti tiite masvondo tisina kugeza tese nevana ndiko kusaka tiri isu tinowanda kumvura. Kudai Hurumende yapindira tawaniswawo zvibhorani zvakawanda kuno nekuti tichapera kufa necholera,” anodaro.

Nyaradzo Chitanda anotiwo vakambochera migodhi mudzimba asi yapera kupwa.

“Mvura yave kure zvikuru ndokusaka matsime apwa. Kuti ticherese mamamita 40 kudzika zvinotidhurira – makambani acho anoda US$4 000,” anodaro.

Kuchiti Fungai Chisvinga wekuZengeza 2 ikoko anoti haafe akabhadahara zvikwereti zvemvura zvekukanzuru nekuti haasi kuwaniswa mvura yacho.

“Kune vakadzi nevanasikana vanonzi vanobhinywa husiku vachienda kunotsvaga mvura – vamwewo vanopihwa mimba vachinyengerera mvura. Ndapota tibatsireiwo tiwaniswe mvura,” anodaro.

Cynthia Nyoni mumwe ari kusangana nedambudziko iri uye ari kuvavira makanzura nenhengo dzeParamende avo vaanoti vakasarudzwa nevanhu veChitungwiza asi havasi kuvacheuka pamatambudziko avasangana nawo.

“Hapano sarudzo yava kudzoka, unovaona vonyuka asi patinenge tichishupika hauvaone.”

Esther Nyere wekuUnit O – uyo aiwacha mbatya nekugeza vana kumatoro ari kuseri kweRiverside Park – anoti haaone dambudziko remvura richipera nekukasika muChitungwiza.

“Ndinototakura mbatya nevana ndowacha nekuvagezesa kuno. Dongorerai muone katsime kacho, hakatorina mvura yakawanda, kutoswera kuno tichimirira kuti mvura idzinine,” anodaro.

Pachibhorani chekuUnit O, icho chinodaidzwa kuti “Hwedza Road Borehole”, vanhu vanenge vari mavhu nemarara.

Mbuya Gladys Magaya (60), avo vanoona nezvekuchengetedzwa kwechibhorani ichi, vanorambisisa mashoko ari kufambiswa anoti vari kubhadharisa mvura.

“Nyaya yamuri kutaura iyi ndakatomboibvunzwa kumusangano wakaitwa kukanzuru. Ini handitengese mvura asi kuti vanhu vanobhadhara vanovatakurira migomo yavo nezvingoro. Ndinotobatsira mukuchengetedza chibhorani chino nekuti kana chikafa vanhu vanopera kufawo muno.

“Iyeni ndakamborwara necholera mugore ra2008 ndikapotsa ndafa, ndikaiswa madrip 17. Ndiko kusaka ndakasarudzwa kuti ndichengetedze chibhorani chakavakwa mugore ra2008 neveWHH German Agro zvichitevera kunyuka kwakaita cholera iyo yakapedza zviuru nezviuru zvevanhu. Kushaikwa kwemvura kunounza zvirwere nerufu,” vanodaro Mbuya Magaya.

Vanoti kakawanda vachitsvaira makondomu anorasirwa padyo nechibhorani ichi chinova chiratidzo chekuti kune vamwe vanhu vari kushinha panguva iyo vanorara vakamirira kuchera mvura.

“Zvakaoma, mumagadheni mese umu pedyo nechibhorani ichi, kakawanda ndichinhonga makondomu achashanda kureva kuti pwere dziri kushinhwa nadzo nekuda kwemvura, zvinorwadza. Kudai tawedzerwa zvibhorani nekuti chino ichi chiri kuwandirwa.

“Tinobatsirwa nekanzuru pakuchigadzira kwete kuti ndinotorera vanhu mari sezvamakanzwa,” vanodaro.

VaInnocent Tafirenyika – avo vanova sachigaro anoona nezvechibhorani ichi – vanoti vanhu vanotomborwira mvura, vachitokuvadzana.

“Pano panotomborwiwa nenyaya yekuti kune dzimwe nhinhi dzisingadi kumira mumutsetse avo vanouya vachipindira. Ipapo mhere-mhere inomuka. Tinomboedza kuti vakaremara nevakwegura vatange kuwana mvura,” vanodaro.

VaSteward Svinurai, vanova munyori pachibhorani ichi, vanoti kuenda kwemagetsi kumwe kuri kukonzera kuti vanhu vamomotere pachibhorani ichi sezvo chiri chekudhaya.

“Dambudziko remvura riri kuwedzerwa nekuenda kwemagetsi nekuti zvizhinji zvinoda magetsi, saka hazvishande kana asiko,” vanodaro.

Kuzvibhorani zviviri zviri muUnit B izvo zvakashanyirwa neKwayedza – chimwe chacho chiri pedyo nemugwagwa unobva kwaMakoni uchienda kuHarare, “paTsaona” – ngoma ndiyo ndiyo.

Zvichakadai, mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti vari kugadzirisa zvibhorani zvakafa mudhorobha iri.

“Kune zvibhorani 25 zvatiri kugadzirisa izvo zvisisiri kushanda zvakanaka kuti vanhu vawane mvura. Kana kuine vari kuwana mabhiri emvura ivo vasiri kuiwana vane kodzero yekunyorera kumahofisi edu kuti zvisarambe zvichidzokororwa kusanganisira vasiri kutakurirwa marara munzvimbo dzavo.

“Kune vari kugara munzvimbo dzisiri kutakurwa marara idzo dzakavakwa manje-manje, tinovakurudzira kuti varasire marara panzvimbo imwe chete iyo inosvikwa nemotokari dzedu kuti azobviswa (rubbish collection points).

“Panyaya yezvirwere zvemanyoka, hatisati tatambira magwaro kubva muzvipatara nemakiriniki edu pamusoro paizvozvo,” vanodaro.

VaMeya vanoti vari mushishi kuisa mamita matsva anoverenga huwandu hwemvura inenge yashandiswa paimba neimba sezvo mazhinji asisashande.

“Tiri kuisa mamita emvura (conventional water metres) kuti vanhu vange vachiziva huwandu hwemvura yavanoshandisa nekuti tine dambudziko remamwe mamita asisashande.”

Pazuva, Chitungwiza inonzi inoda 45 megalitres dzemvura asi guta reHarare, kunova kwainobva, riri kukwanisa kuvawanisa 30 megalitres bedzi.

Chirongwa cheMuda Dam Project chekuti Chitungwiza inge ichizviwanisa mvura yayo chinonzi chiri kuenderera mberi, izvo vagari vedhorobha iri vanoti zvava nenguva zvichingotaurwa nezvazvo asi pasina chimuko.

Bumbiro remutemo weZimbabwe pamwe neWater Policy inotaura kuti Hurumende nemakanzuru vane basa guru rekuwanisa veruzhinji mvura yakaringana, yakachena uye iri pedyo navo.

Gwaro reWorld Health Organisation rinodaidzwa kuti Inheriting a Sustanable World: Atlas on Children’s Health and the Environment – iro rakaburitswa munguva pfupi yadarika – rinoti chikamu che25 percent chendufu dzevana vane makore ari pasi pemashanu okuberekwa vanofa nekuda kwenharaunda dzavanogara dzinenge dzisina utano.

Share This:

Sponsored Links